Chirwere chemahwanda chotekeshera

CHIRWERE chemahwanda chinonzi chakurumbira zvikuru kuzvipfuyo zvakaita semombe kumatunhu anoti Masvingo, Midlands, Matebeleland South neManicaland uye varimi vari kukurudzirwa kudzivirira zvipfuyo zvavo kubva kwachiri.

Mutevedzeri webazi rezvekurima nekusimudzirwa kwemadiridziro kuchikamu chinoona nezvezvipfuyo Cde Paddy Zhanda vakatsinhira kupararira kuri kuita chirwere ichi kunzvimbo dzakasiyana dzenyika.

“Chirwere chakadai sechemahwanda chiri nyore kupararira sezvinoita chikosoro nokudaro kuverenga huwandu hwezvipfuyo zvakabatwa nechirwere ichi kunogona kushaya chirevo sezvo zvipfuyo zvakawanda zviri kuramba zvichitapurirwa,” vakadaro.

Vanoti chirwere ichi chine zviratidzo uye chikokwanisa kudzivirirwa kuburikidza nezvirongwa zveHurumende.

“Chikamu cheDepartment of Veterinary Services chicharamba chichipa mashoko echenjedzo pamwe nekudzivirira kutekeshera kwechirwere ichi munzvimbo dzachiri nekuti chikokanganisa bhizimusi renyama munyika,” vakadaro.

Hurumende, vanodaro Cde Zhanda, inoda mari iri pakati peUS$2 miriyoni neUS$3 miriyoni pagore yekushandisa mukudzivirira kupararira kwechirwere ichi kuburikidza nekubaya majekiseni kuzvipfuyo pagore.

“Kubaiwa kwemajekiseni kuzvipfuyo uku kunofanira kuitwa kwemwedzi mitanhatu kana misere munzvimbo yachinenge chanyuka. Izvi zvinoreva kuti mari inenge ichidiwa inogona kudarika apa,” vakadaro.

Mombe nenguruve dzinenge dzabatwa nechirwere chemahwanda dzinokundikana kubereka zvinogutsa, kufamba zvakanaka pamwe nekufura zvinoita kuti dzinge dzichiderera pahuremu.

Maronda anoita zvakare pamuromo pemombe anoita kuti dzikundikane kufura uye mhuru dzinofa nekuda kweutachiona hwechirwere. Zvakare huwandu hwemukaka hunoderera.

Related Posts

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Zvikwata zvogadzirira kubandana muMunhumutapa ZIFA Challenge Cup

Abel Ndooka SARUDZO yokuti chikwati chakati chichatamba nechocho mumutambo weMunhumutapa ZIFA Challenge Cup Round of 32 yakaitwa nomusi weChitatu chino, izvo zvichaona matimu akasiyana-siyana emumadivision epasi achibandana neemuCastle Premier Soccer…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×