‘Jeko haritadzisi kubata pamuviri’

TINOPONA Katsande-Chigariro, uyo anozivikanwa munyaya dzemadhirama akaita seStudio 263 pamwe nekuve mushamarari panhepfenyuro, anoti anofara zvikuru kuti ave nepamuviri izvo akange asingatarisire zvichitevera ongororo yakamboitwa paari nemamwe machiremba apo akanzi haakwanise kubata mimba nekuda kwedambudziko rejeko.

“Ndakambobuda mumapepanhau mumakore apfuura ndichinzi handizvari nekuda kwejeko asi nhasi uno ndine mufaro mukuru nekuti ndave nepamuviri apo pandakaziva nezvapo ndisingafungire. Ndakaenda kwachiremba ndichida kunochekwa mapundu emuchibereko (fibroids) ayo akange amera muchibereko changu, ndipo pandakaitwa sikani zvikaonekwa kuti ndakatozvitakura,” akadaro.

Anoti paakasvitsa makore 17 ekuberekwa, akange avhiiwa kanokwana kapfumbamwe asi asati aonekwa kuti ane dambudziko rekumera mapundu muchibereko.

“Baba vangu vakaenda neni kuCalifornia kunorapwa. Zvakatora nguva refu kuti chiremba wangu wemuno anoona nezvemuchibereko aone chirwere ichi nekuti chaingotorwa sechevachena. “Gore rapera, ndakatariswa nemachiremba vakati ndiri munhu asingakwanise kuita mwana. Ndakarwadzikana asi nesimba raMwari, ndakavimba kuti rimwe remazuva ndichapora ndigova nemufaro mukuru zvinova zvakazoitika kwandiri ndisingafungire,” akadaro.

Katsande anoti akambonwa mishonga yechivanhu neyechiRungu yakasiyana nechinangwa chekupedza dambudziko iri, asi yakatangisa kumukuvadza mabhonzo nekumurwadza.

“Gore rapera, pandakasvitsa makore 35 okuberekwa, ndakange ndangova munhu aigara achitora mishonga yekupedza kana kuderedza marwadzo nekuti ndairwadziwa zvakanyanya panguva yandaitevera.”

Akakurudzira vamwe vanhukadzi vanonetseka nekubata pamuviri kuti vasarase tariro nekuti nguva yavo ichasvika yekuti vaite mimba.

Katsande-Chigariro anoti mwana waakatakura akaonekwa kuti mutano zvisinei nekuti muchibereko chake munonzi mune twunyama utwo tunotarisirwa kuzochekwa.

“Ndichasununguka mwana uyu neoparesheni, ndipowo pachabviswa twunyama twuri kuramba twuchimera muchibereko changu. Twunorwadza zvikuru nekuti twunosveta ropa mumuviri mangu,” akadaro.

Related Posts

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Zvikwata zvogadzirira kubandana muMunhumutapa ZIFA Challenge Cup

Abel Ndooka SARUDZO yokuti chikwati chakati chichatamba nechocho mumutambo weMunhumutapa ZIFA Challenge Cup Round of 32 yakaitwa nomusi weChitatu chino, izvo zvichaona matimu akasiyana-siyana emumadivision epasi achibandana neemuCastle Premier Soccer…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×