Mai Mugabe vasvitsa 50

MUDZIMAI wemutungamiriri wenyika, First Lady Amai Dr Grace Mugabe, vasvitsa makore 50 okuberekwa neChina chino, 23 Chikunguru.

Komiti iri kuronga nezvemhemberero dzebhavhadhe ravo, yeAmai Dr Grace Mugabe @ 50 Organising Committee, inoti kuchaitwa mabiko emhemberero nemusi weMugovera, 25 Chikunguru, kuBlue Roof Residence, Borrowdale Brook, muHarare.

First Lady Amai Dr Grace Mugabe ndiPatron wemasangano akanangana nekusimudzira upenyu hwevanhu nenzira dzakasiyana anoti The Grace Mugabe Foundation, Danhiko Trust, Aids Counselling Trust neZimbabwe National Association of Mental Health.

Mamwe avari Patron zvakare ndeanoti The Adult Literacy Organisation in Zimbabwe neMusha Mukadzi Zimbabwe Armed Forces Trust.

Zvichakadai, vangade kupa rutsigiro vakasununguka kubatsira masangano aya nenzira dzavanokwanisa sekupa mari kana zvimwe zvinhu zvekushandisa.

Kwayedza iri kuti: “Makorokoto Amai!

Related Posts

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Zvikwata zvogadzirira kubandana muMunhumutapa ZIFA Challenge Cup

Abel Ndooka SARUDZO yokuti chikwati chakati chichatamba nechocho mumutambo weMunhumutapa ZIFA Challenge Cup Round of 32 yakaitwa nomusi weChitatu chino, izvo zvichaona matimu akasiyana-siyana emumadivision epasi achibandana neemuCastle Premier Soccer…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×