Kubvarura mambure

. . .Dynamos inhamba 1 Abel Ndooka — ZVIKWATA zvose zvinokwikwidza muCastle Premiership mwaka uchangodarika zvakanwisa ka620 kubva mumitambo 578. Mwaka wa2017 warakidza kuti nhabvu yatambwa yasimukira zvikuru kana zvichienzaniswa…

Zim yorwisa denda remoyo

Muchaneta Chimuka — CHIRWERE cheAcute Rheumatic Fever (ARF) neRheumatic Heart Disease (RHD) ndizvo zvikuru zvinokonzera kuti vanhu vabatwe nedenda remoyo apo unokundikana kupomba ropa, kuoma mitezo kana kurasikirwa neupenyu kune…

Ndiko kufumuka kwekupedzisira

MUKURARAMA kwevanhu vatema pane hunhu netsika dzakanaka izvo munhu anotarisirwa kunge achicherechedza zvisinei nekuti kune vamwe vasingachazvikoshese mazuva ano. Tsika idzi ndidzo dzinoumba hunhu hunoyemurika.

ambuya vorova mukuwasha

— Vakandiruma bendekete’ Gamuchirai Muzanenhamu — SAMUSHA vekuendeswa kudare neaimbove mudzimai wavo vachinzi vari kumuonesa chakati tende vanoti ivo ndivo vari kuoneswa moto nemukadzi uyu achibatsirana naamai vake avo vakatombomuruma…

World aids Day yopembererwa

MHEMBERERO dzezuva guru reWorld AIDS Day idzo dzinoitwa pasi rose nemusi wa1 Zvita dzasvika uye Zimbabwe ichaita mhemberero huru kunhandare yeWhite City Stadium, kuBulawayo.

Hurumende yopa zvekushandisa

Muchaneta Chimuka — HURUMENDE yakatanga chirongwa chekupa varimi zvekushandisa zvakadai sefeteraiza nembeu pasi pechirongwa cheCommand Agriculture.

Mwana wekutyorwa ruwoko naticha: Nyaya yakangomira

Kingstone Mapupu — MWANASIKANA wepachikoro cheSaruwe Secondary School, kuSelous, uyo wekuti akarohwa nemudzidzisi wake wechikadzi zvekusara atyoka ruwoko rwerudyi – izvo zvakamutadzisa kunyora bvunzo dzake dzeZimbabwe School Examinations Council

‘ndimi makandiuraya, mukandichekeresa’

– Murume wekupondwa 1987 omuka ngozi Kingstone Mapupu — NGOZI yemurume anonzi akapondwa makore 30 adarika — muna 1987 — nhengo dzemuviri wake ndokuchekereswa mabhizimisi kwaSadunhu Sahumani, kuHonde Valley, kuNyanga…

Varimi vezvipfuyo vosimudzirwa

Kingstone Mapupu — KAMBANI inotengesa kudya kwezvipfuyo kwakasiyana munyika yeCapital Foods yosimudzira varimi kuburikidza nekuvadzidzisa magadziriro ekudya uku pachena pamwe nekuvapa ruzivo pamusoro pezvirwere zvakasiyana.

Mapositori akadirwa doro pamasowe

Kingstone Mapupu — MAPOSITORI eJohane Masowe weChishanu Nyenyedzi Nomwe yekuBudiriro 4, muHarare vanonzi vakarikitwa zvakaomarara kwemazuva mana akatevedzana nechikwata chevanhu vainwa doro, vamwe vavo ndokukuvara.