Varimi vezvipfuyo vosimudzirwa

Kingstone Mapupu —
KAMBANI inotengesa kudya kwezvipfuyo kwakasiyana munyika yeCapital Foods yosimudzira varimi kuburikidza nekuvadzidzisa magadziriro ekudya uku pachena pamwe nekuvapa ruzivo pamusoro pezvirwere zvakasiyana.

Mushandi anoona nezvekutengesa nekutengeserana mukambani iyi, VaOwen Nyoni – avo vanova sales director – vanoti donzvo ravo nderekutsigira varimi vari muchikamu chekuchengeta zvipfuyo.

“Basa redu seCapital Foods kugadzira kudya kwezvipfuyo zvose zvinobvira kuhuku nedzimwe shiri dzose, mombe, hwai, mbudzi, nguruve, madhadha, zvihuta, tsuro, mabhiza, madhongi, imbwa, katsi, hove nezvimwe zvakasiyana. Tinotengesera varimi pamwe nekuvadzidzisa pachena zvakare magadzirirwo ekudya uku kana vaine zvirimwa zvakakwana,” vanodaro.

Vanoti vanotengesa mishonga yekurapa pamwe nekudzivirira zvirwere zvezvipfuyo zvakasiyana uye vane mapazi anokwana 15 munyika yose. VaNyoni vanoti varimi vanoda ruzivo rwekupfuya zvipfuyo vanokwanisa kuenda kumapazi ekambani yavo akatekeshera nenyika uko vanonopihwa ruzivo rwakadzama nenyanzvi dzavanodyidzana nadzo.

“Tinoshanda nevarimisi nenyanzvi dzezvekurima nedzemhuka, tine varimi vabudirira zvikuru munyaya dzekupfuya dzingava huku dzechivanhu nezvimwe zvipfuyo zvose. Tine mumwe murimi ane huku dzechivanhu 60 000 padyo-padyo neguta reHarare,” vanodaro.

Vechidiki vakawanda, vanodaro VaNyoni, vari kuwana mabasa kuburikidza nekuita mabhindauko ekuchengeta zvipfuyo zvakasiyana. Vanoti vanotenda zvikuru nekuda kwegoho guru rakawanikwa nevarimi mwaka wadarika sezvo zvave kuvaitira nyore kuwana zvirimwa zvavanoshandisa mukugadzira kudya kwakasiyana pedyo.

“Tine nyanzvi dzatinoshanda nadzo dzinodzidzisa varimi mhando dzezvirwere zvezvipfuyo zvavo kuti vakurumidze kubatsirwa nekuzvirapisa,” vanodaro.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×