Mupurisa akarumwa parufu

MUKOMANA tsotsi wekuBulawayo – wekurova nekuruma mupurisa aida kumusunga apo aive parufu – akatongerwa kugara mujeri kwemwedzi 27 nedare reko.

Smart haitangire mutsoka, asi mupfungwa

SAKA kune vanhu vari kuti veGender Commission vakatadza nekuti vakati mamwe mapfekero evanasikana ane dambudziko? Ini semudzidzisi wezvekufambiswa kwemashoko payunivhesiti, ndinoziva kuti mapfekero emunhu imwe nzira yekutaura nayo.

Kudzorerwa pakare kweMarriages Bill

NEMUSI wa18 Gunyana 2019, muchinyorwa chakabuda  mubepanhau reThe Herald chaive nemusoro waiti “Pasvika nyaya yekugadzurudzwa kwemutemo wewanano” takazivisa magadzirirwo emutemo maringe negwaro reMarriages Bill uye zvose zvinodiwa kuti zviitwe gwaro iri risati rapasiswa kuve mutemo.

Mungano zvinoitika

UCHITSIGIRA nengano shanu, jekesa kuti mungano kunyange zvinhu zvinonzi hazviitiki muupenyu mungano zvinoitika. [25]

Zimpapers Cancer Walk yodzoka nemutsindo

CHIRONGWA cheZimpapers Annual Cancer Power Walk – icho chinoitwa nekambani yezvenhau iyi yakabatana neIsland Hospice and Healthcare nechinangwa chekutsvaga mari yekurwisa chirwere chegomarara – chadzoka zvakare zvine mutsindo.

Otyisidzira hama nebanga

MUMWE mudzimai anoti ashaya zano rekuita nemwanakomana wake uyo ane marambadoro uye anogara achiti anoda kuuraya vanin’ina vake kuburikidza nekuvabaya nebanga.

Kudzidza hakupere nebvunzo

TINORAMBA tichingopanda nekutsvaga ruzivo kubva mune zvakawanda muchiShona chedu kuti tigovawo magodobori emutauro wamandorokwati. Ruzivo rwedu rwunofanirwa kuvandudzwa nguva nenguva kubva mukunyora chiShona chakanaka kusvika mukuziva zvakavanzika muhupenyu netsika dzedu.

Rima hanyanisi zvine pundutso

Wendy Madzura CHOKWADI kutaurirwa hunyimwa mbare dzekumusana. Waingova mufaro chete paMazowe Citrus apo varimi vaikohwa hanyanisi dzavo dzemhando yehybrid idzo dzavakarima kubva kuSeed Co. Mhando dzehanyasisi dzakarimwa pamunda iRegent F1…

‘Tarisirai kupisa kwakanyanya’

BAZI rinoona nezvemamiriro ekunze, reMeteorological Services Department, riri kuyambira veruzhinji kuti Zimbabwe inogona kusangana nekupisa kwakadarikidza uko kusati kwamboonekwa kutanga nemusi weChitatu chino kusvika Muvhuro unotevera.

Opinza ‘small-house’ mubhedhuru mukadzi wake aripo

MUMWE mudzimai akachema-chema mudare achiti murume wake anoita bonde reginya senzira yekumupfidzisa uye kugara achimurova nechinangwa chekuti atize pamba.

×
×