Zimpapers Cancer Walk yodzoka nemutsindo

Rudo Muchedzi
CHIRONGWA cheZimpapers Annual Cancer Power Walk – icho chinoitwa nekambani yezvenhau iyi yakabatana neIsland Hospice and Healthcare nechinangwa chekutsvaga mari yekurwisa chirwere chegomarara – chadzoka zvakare zvine mutsindo.

Chirongwa chekufamba ichi chichaitwa nemusi wa9 Mbudzi kunzvimbo dzinoti Kariba, Mutare, Bulawayo neHarare uye chinenge chakakura gore rino.

Zimpapers iri kukoka makambani nevanhu vakazvimirira avo vanoda kubatana nayo mukutsigira chirongwa ichi. Mukushi wemashoko kuZimpapers, Muzvare Beatrice Tonhodzayi, vanoti makambani anoda kupinda muchirongwa ichi anotambirwa nemaoko maviri.

“Chirongwa cheZimpapers Cancer Power Walk chadzoka zvine mutsindo, nekudaro tiri kukoka makambani nevanhu vakazvimirira avo vanoda kutsigira nemari kana nezvimwe zvinhu kuti chibudirire.

“Hapanai rubatsiro rwunonzi rushoma panyaya yekurwisa gomarara, tose tine vadikani vedu vakakanganiswa nechirwere ichi. Rubatsiro rwenyu runosvika kure pakuyamura varwere vegomarara,” vanodaro.

Muzvare Tonhodzayi vanoenderera mberi vachiti, “Vanoda kubatsira vanokwanisa kutaura naPauline Matanda panhare dzinoti 0715 679 405 kana Rudo Muchedzi pa0771 773 213 kana pamadandemutande anoti [email protected], [email protected].”

Muzvare Tonhodzayi vanoti Zimpapers inoda kupa chenjedzo yakanyanya pamusoro pegomarara nezvimwe zvirwere zvisingatapuriranwe.

Vanoti kune vamwe vanhu vari kunonoka kunoongororwa kusvikira zvirwere izvi zvadingindira mumuviri apo zvinozonetsa kurapa nekuda kwekushaya ruzivo.

 

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×