Opinza ‘small-house’ mubhedhuru mukadzi wake aripo

Nyasha Bvudzijena

MUMWE mudzimai akachema-chema mudare achiti murume wake anoita bonde reginya senzira yekumupfidzisa uye kugara achimurova nechinangwa chekuti atize pamba.

Hamunyare Mutasa akamhan’arira Taengwa Gwenzi kuHarare Civil Court achida gwaro rinomudzivirira.

Mutongi Nyasha Marufu akapa Mutasa gwaro iri.

Mudzimai uyu anoti ane mbonje dzakawanda nekuda kwekugara achirohwa nemurume wake.

“Ishe wangu, ndinokumbirawo kuti murume wangu amiswe kundirova uye kundishungurudza nenzira yepabonde. Pese paanondirova anondikuvadza uye anobva aita bonde nene zvenharo achiti anoda kundikaurisa kuti kana ndarwadziwa ndibve,” anodaro Mutasa.

Anoti zvakare murume wake anouya neshamwarikadzi dzake pamba pavo.

“Iko zvino ndava kunzi ndibve kuti shamwarikadzi yake iwane pekuzogara pamba pangu zvekuti ndava kurambidzwa kushandisa midziyo yatakatenga tese.

‘‘Anoti kana auya neshamwarikadzi yake iyoyo anondiburitsa muimba yedu yekurara,” anodaro Mutasa.

Gwenzi haana kuuya kudare kuti azopewo divi rake.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *