Otyisidzira hama nebanga

Tatenda Shuro
MUMWE mudzimai anoti ashaya zano rekuita nemwanakomana wake uyo ane marambadoro uye anogara achiti anoda kuuraya vanin’ina vake kuburikidza nekuvabaya nebanga.

Merenzia Pindeni akataura mashoko aya mudare reHarare Civil Court apo akamhan’arira Ernest Kanembera achiti ari kumushaisa rugare. Mutongi Noah Gwatidzo akapa Pindeni gwaro redziviriro.

“Uyu mwanakomana wangu asi ngaadzingwe hake pamba nekuti andishungurudza zvikuru.

Anouya akadhakwa pakati pohusiku oti anoda kuuraya vanin’ina vake nebanga,” anodaro Pindeni.

Anoti zvakare Kanembera ane katsika kekumubira zvinhu zvake.

“Mwana uyu anondibira zvinhu zvangu. Ndakamhan’ara akasungwa tikatomboenda kuMbare Court ndokunzi tizodzoke asi iye haana kuuya,” anodaro.

Kanembera haana kuenda kudare kuti anopewo divi rake.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *