Maroja orwira chimbuzi

Courtney Munodawafa NYAYA yemajana (duty) ekuchenesa pamba pakati pemhuri mbiri dzinoroja pamwe chete mumusha weHighfield, muHarare, yakonzeresa bongozozo iro rakaita kuti vapedzisire vaendesana kumatare edzimhosva. Priscilla Zhou akamhan’arira Tatenda Pfumo…

Muroora opumha amwene huroyi

Courtney Munodawafa MUDZIMAI anogara kuMufakose, muHarare, anoti ari kushaiswa rugare neaimbova muroora wake uyo ari kumupumha huroyi uye anouya pamba pake aine miteuro inenge yakanyorwa zita rake achisvikomushandisira. Tarisai Musiiwa…

Hatidzore tsvimbo: Mhari

Abel Ndooka MUBATI wepagedhi weFC Platinum, Petros Mhari, anoti havazi kuzodzokera kumashure zvichitevera kuhwinha kwavakaita mukombe wePremier Soccer League (PSL) kechitatu kakatevedzana mwaka wadarika sezvo vanoda kuutora zvakare gore rino.…

‘Ndinorohwa nevana vemurume’

Courtney Munodawafa IMWE shirikadzi inoti iri kushaiswa rugare nekushungurudzwa nevanasikana vemurume wayo nekugara ichirohwa. Eveline Maromo akazvuzvurudzira Marciline Katsetula naPerpetual Katsetula kudare reHarare Civil Court achida gwaro rerunyararo. Mutongi Noah…

MaChevrons omirira Sri Lanka

Abel Ndooka CHIKWATA cheZimbabwe Cricket (ZC) chemaChevrons chichasangana necheSri Lanka mumitambo miviri yeTest Match Series ichatambirwa kuHarare Sports Club mwedzi uno. Mutambo wekutanga uriko musi wa19 uye uchizopera musi wa23…

Chenjererai ‘maporofita’

SVONDO rino tine nyaya inosuwisa zvikuru, yevanhu vaviri avo vakafa kuBuhera mushure mekunge vabaiwa majekiseni emushonga usati wave kuzivikanwa nemumwe murume anozviti muporofita uyo aiti aivabatsira pamatambudziko avo. Mukubuda kwenyaya…

SA business confidence at worst

While there was a slight improvement in business confidence in December last year, the overall level for 2019 was the worst since 1985.

‘Mhanzi ngaishandure hupenyu hwevanhu’

Abel Ndooka MUIMBI wenziyo dzechitendero Tafadzwa Patience Chiminya — uyo vazhinji vanoziva saMai Zimi —  anoti mhanzi inofanirwa kushandura hupenyu hwevatereri uye kusimudzira vanotambudzika muhupenyu hwavo. Mai Zimi avo vanozivikanwa…

‘Kuchanaya mvura ine dutu’

Columbus Mabika naYeukai Tazira CHIKAMU chinoona nezvekudzivirirwa kwenjodzi munyika, cheCivil Protection Unit (CPU), chinoti chakagadzirira zvakanyanya matambudziko erudzi rwupi uye ane chekuita nemafashamu emvura kana mamwewo mamiriro ekunze. Izvi zvauya…

‘Murume ndinomudawo, ndewedu tese’

Courtney Munodawafa MUDZIMAI nyachide pabarika akazvuzvurudzira vahosi vake kudare achiti vari kumuonesa ndondo nekumutumira mashoko ekumutuka nezvinyadzi panhare yake uye murume anopedza mazuva akawanda ari kumba kwavo izvo zvinomurwadza zvikuru.…

×
×