Muroora opumha amwene huroyi

Courtney Munodawafa

MUDZIMAI anogara kuMufakose, muHarare, anoti ari kushaiswa rugare neaimbova muroora wake uyo ari kumupumha huroyi uye anouya pamba pake aine miteuro inenge yakanyorwa zita rake achisvikomushandisira.

Tarisai Musiiwa akamhan’arira Precious Nyamuzihwa kudare reHarare Civil Court achida gwaro rerunyararo.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Musiiwa gwaro rinomuchengetedza.

Musiiwa anoti Nyamuzihwa aimbova muroora wake asi akasiyana nemwana wake.

“Mukadzi uyu aimbova mudzimai wemwana wangu asi vakarambana. Mwana wangu akatobva pamba asi iye ari kungoramba ari pamba pangu. Anonditukirira nezvinyadzi achiti haabve pamba pangu. Handichada kugara naye nekuti iye haatombogare zvakanaka neni. Dzimwe nguva anouya, dzimwe nguva haauye,” anodaro.

Musiiwa anoti Nyamuzihwa anomupomera mhosva dzaasina kupara.

“Mwana uyu andinetsa. Anondipumha huroyi achinditi ndakadya vana vake. Anonditi ndakauraya mucheche wake, handizive kuti sei achindiita munhu akaipa.

“Anouya kumba nemiteuro inenge yakanyorwa zita rangu achiirevera pamberi pangu. Ndakambomumhan’arira kumapurisa akanditi ari kudaro nekuti ini handidi muroora saka haana kusungwa,” anodaro Musiiwa.

Nyamuzihwa haana kuenda kudare kuti anopawo divi rake.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *