‘Mhanzi ngaishandure hupenyu hwevanhu’

Abel Ndooka

MUIMBI wenziyo dzechitendero Tafadzwa Patience Chiminya — uyo vazhinji vanoziva saMai Zimi —  anoti mhanzi inofanirwa kushandura hupenyu hwevatereri uye kusimudzira vanotambudzika muhupenyu hwavo.

Mai Zimi avo vanozivikanwa nenziyo dzinoti “Usadherere” uye “Overcome” idzo dzakaita mukurumbira, vanoti shuviro yavo kuti vagoshandura hupenyu hwevamwe vanotambudzika muhupenyu hwavo kuburikidza nemhanzi.

“Isu sevaimbi ibasa redu kuti mhanzi yatiri kuburitsa ngaive inovaka ichisimudzira pamwe nekushandura hupenyu hwevamwe vanhu uye kuvapa tariro kuti matambudziko avanenge vachisangana navo achapera.

“Isu vechitendero tinotofanirwa kunge tiri pamberi pakubika mhanzi inovaka uye tichibatana kuita mabasa ekusimudzira vamwe muhupenyu hwavo. Kuti tifambe nemotokari kana kugara hupenyu hwakanaka, kuburikidza nevatsigiri vedu avo vanotenga mhanzi yedu uye kuuya kumashoo edu. Saka isu tinofanirwa kudzosera kwavari kuburikidza nekubatsira vanotambudzika uye kuvabatsira muhupenyu hwavo,” vanodaro.

Gore rapera, Mai Zimi vakaparura dambarefu ravo  rechipiri rinonzi Takomborerwa.

Vachitaura pamusoro pepairesi, Mai Zimi vanoti vaimbi vanofanirwa kuchangamuka voshandisa nzira dzakasiyana-siyana dzakadai sedandemutande kuti mhanzi yavo isvike kuvatsigiri vavo, kunyangwe vari kunze kwenyika.

“Nguva dzatave kurarama takakomborerwa kuti tave panguva yedandemutande saka ngatiishandise kuti titenderedze mhanzi yedu isvike kuvatsigiri vedu uye inosvika kunyika dzekunze kunyangwe kuEurope chaiko. Ukangokanda mhanzi kana vhidhiyo yako paFacebook, YouTube, Instagram kana paTwitter chaipo ipapo-ipapo munhu ari kuCanada, England, South Africa kana kunyika ipi inobva yatosvika kwaari. Saka ngatishandisei mukana uyu tisakurirwe nepairesi,” vanodaro.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *