‘Kuchanaya mvura ine dutu’

Columbus Mabika naYeukai Tazira

CHIKAMU chinoona nezvekudzivirirwa kwenjodzi munyika, cheCivil Protection Unit (CPU), chinoti chakagadzirira zvakanyanya matambudziko erudzi rwupi uye ane chekuita nemafashamu emvura kana mamwewo mamiriro ekunze.

Izvi zvauya panguva iyo veMeteorological Services Department (MSD) vapa chiziviso kuruzhinji chekuti kuchange kuine mvura ine mheremhere nedutu iyo inogona kukonzeresa kuparara kwedzimba nemidziyo kune mamwe matunhu enyika vhiki riri kutevera.

Mukuru weCPU, VaNathan Nkomo, vanoti vakagadzirira kana pakaita njodzi inoda rubatsiro rwechikamu chavo.

“Makomiti edu ose akagadzirira zvakanyanya uye ari kunzvimbo dzakatsanangurwa achigadzirira kuitira pakaitika chiitiko chinoda ivo,” vanodaro.

“MaProvincial, District Coordinators vari kuona kuti zvose zvinobatsira vanhu vanenge vawirwa nenjodzi kusanganisira zvikoro vakagadzirira kana kukaita mafashamu,” vanodaro VaNkomo.

Vanoti vachishanda pamwe chete neMSD, vachange vachiongorora mamiriro ekunze.

CPU, vanodaro VaNkomo, iri mubishi kuendesa mari yekushandisa kumakomiti ayo ari kumativi ose enyika.

Vanoti kubva padambudziko ravakasangana naro nekuda kweCyclone Idai gore rapera, vachange vachipa ruzivo kune veruzhinji – zvikuru kune vanogara kunzvimbo dzinonyanya kuita mafashamu.

Deputy director weather forecast kuMSD, Mai Linia Gopo, vanoyambira vanhu vekuManicaland, Midlands nekuMatabeleland kuti vagadzirire sezvo kumatunhu aya kuchigona kunaya mvura ine mabhanan’ana nedutu mazuva mashoma ari kutevera.

“Nguva pfupi iri kutevera mvura ine mabhanan’ana nedutu ichanaya kuMatabaleland North, Mashonaland, Midlands pamwe chete nekuManicaland.

“Mvura ine iyi haiunzi mvura yakawanda, ichaunza mvura shoma kune dzimwe nzvimbo yakasangana nedutu nechimvuramahwe,” vanodaro.

Mai Gopo vanoti dutu rakasimba riri kuuya iri rinogona kutora matenga edzimba dzakawanda.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *