Vodzidziswa kuita mabasa emawoko
Vechidki vanogara mumusha weMufakose, muHarare, vari kubatsirikana nezvirongwa zviri kuitwa neMufakose Community Church zvekusimudzira dzidzo yavo nemamwe mabasa emawoko anosanganisira kurima, kusona nekubika.
US$: ZACC yoongorora zvikoro
Zimbabwe Anti-Corruption Commission (ZACC) inoti iri kuongorora zvikoro zviri kubhadharisa nemari yekunze kwenyika.
Bvunzo i$15 – Zimsec…‘Hatina kukwidza mari’
Zimbabwe School Examinations Council (Zimsec) inoti yakatevedzera zvakataurwa neHurumende zvekuti idzikise mari dzinobhadharwa nevadzidzi pakunyora bvunzo kuenda pa$15.
Ochemera mukadzi waakapa gupuro
Mumwe mudzimai anoti murume wake anobva muHarare achienda kwaMutoko uko kwaari kugara achiendera kunomushungurudza achiti vadzokerana zvisinei nekuti ndiye akamupa gupuro.
JUST IN: Focus on economic resuscitation not incapacitation, MDC-A told
The ruling party ZANU PF has condemned the destruction of infrastructure and the stalling of productivity in the country by violent demonstrations being perpetrated by MDC Alliance members and supporters.
IMBWA HAIHUKURE SADZA: Vanofinhura, isu hatifinhurwe zvekumhanya
Kune vanhu vane chipo chekubhohwa zvekuti unonzwa kuti dai vari gararwa riri pahuro, wairikarara, worisvipa, wobva waritsokodzera muvhu.
Orovera amai mafetikuku
Mukomana anogara mumusha weDangamvura, maMutare, akamiswa mudare reko ndokubatwa nemhosva yekuzvambaradza amai vake mushure mekunge vatadza kunzwanana nenyaya yemari apo akanga atumwa kunotengesa mafetikuku kana kuti magwinya.
Sabhuku opikira kurwisa vatori venhau veKwayedza
Sabhuku wekwaSeke nemumwe mugari weko wechidzimai, avo vakarwisa vatori venhau veKwayedza vaive pabasa gore rapera, vachagara mujeri kwemazuva makumi maviri kana kubhadhara $600 faindi.
MAONERO EDU: Ndicho chitadzo pasi nekudenga
Svondo rino tine nyaya inorwadza zvikuru pamwe nekusuwisa, iri pamusoro peongororo yakaitwa nerimwe sangano rakazvimirira, iyo inoratidza kuti chikamu chevarume chinosvika makumi manomwe muzana (70 percent) vana vainzi ndevavo havazi vavo.
Musiyano wekutyaira nekutungamira: BEMBERA PADARE
Vazhinji vedu tinoziva kuti kana munhu achitungamirira mombe pakurima kana pakusakura (pakukaravheta), tinoona munhu akabata tambo ari mberi, kana kufamba zvake ari mberi, mombe dzichimutevera paanofamba napo. Panotungamirirwa mombe zvakadai, mukana wekumanza sora kana kusiya mabhan’a mushoma zvikuru.









