Varimi vadiki vosimudzirwa

Sangano reLivelihoods and Food Security Programme, Market Development (LFSP-MD) rosimudzira varimi vadiki kuburikidza nekuvatsigira uye kunzvera matambudziko avari kusangana nawo nedonzvo rekusimbaradza chikamu chezvekurima muZimbabwe.

‘Haatenge nyama Jan-Dec’

Mumwe mudzimai ari kugunun’una achiti murume wake haatenge nyama kubva munaNdira kusvika Zvita izvo zvave kuita kuti mwana wake asazive chinonzi nyama.

Handisi murondatsimba: Hawk Man

Muimbi weZim dancehall Briton Mavhura — uyo vazhinji vanoziva nezita remadunhurirwa rekuti Hawk Man — anoti chiso chake chakafanana zvikuru nechaWinky D asi hazvireve kuti ave murondatsimba sezvo anotoshuvira kusvika padanho rave neshasha yemhanzi iyi.

Coronavirus chimbori chii chaizvo?

Sangano reWorld Health Organisation (WHO) rinoti utachiona hweCoronavirus hunotanga apo munhu anonzwa kunge ari kupindwa nechando asi zvichizowedzera uye achinzwa kuzarirwa.

Mudhara ‘Jesus’ wekuChi-town

Kazhinji, vanhu vakanzwa zita rekuti Jesu vanowanzofunga nezvemwanakomana waMwari Jesu Kristu asi kuChitungwiza kune mumwe ane musiyano uyo anonzi “Mudhara Jesu”.

Sadza nemuboora une dovi

Muriwo wemuboora wakakosha zvikuru kuutano hwevanhu sezvo uine Vitamin A neC uye Iron izvo zvinobatsira mukusimbisa mabhonzo nekuwedzera ropa mumuviri.

JUST IN: Teen connives with friend to steal property worth $10 000 from mother

Brenda Zinyuke, Court Reporter A BULAWAYO teenager and his two friends will live to rue the day they allegedly connived and stole property worth $10 000 from his mother. Terrence…

Grade 7: Bvunzo itsva kutanga 2021

Gore rino ndiro richapedzisira kunyorwa bvunzo dzegwaro rechinomwe kuchitevedzerwa zvaichiitwa kare kusati kwava nemusambo mutsva uyo wave kunzi “competency-based curriculum”. Vana vari mugwaro rechinomwe gore rino ndivo vekupedzisira kunyora zvidzidzo izvi zvekare zviri zvishanu zvinoti masvomhu, Shona, chirungu, zvekurima uye musanganiswa wezvidzidzo zvesaenzi, zvebhaibheri nekugarisana.

A-LEVEL: Vatema vaishungurudzwa

Tinopedzisa mubvunzo watakatanga svondo rapfuura unoti: Zvinhu zvinoita kuti vanhu vatema vaende kuhondo nevachena.

O-LEVEL: Kuumba mutauro

Svondo rino tichaita chidzidzo chiri maererano nezvekuumba mutauro weChiShona. Muchasiirwa basa rekuita iro munofanirwa kutumira mhinduro dzenyu dzamunofunga kuti ndidzo dzinopindura mibvunzo iyi zvakanaka. Vana vechikoro chete kubva pafomu 1 kusvika 4 ndimi mune kodzero yekutumira.

×
×