US$: ZACC yoongorora zvikoro

Nqobile Tshili

Zimbabwe Anti-Corruption Commission (ZACC) inoti iri kuongorora zvikoro zviri kubhadharisa nemari yekunze kwenyika.

Izvi zvinotevera mashoko anoti varairidzi vepane zvimwe zvikoro zvitanhatu zvemuHarare vakabhadharisa vadzidzi ma”extra lessons” nemaUS$ vakanzi vadzosere mari iyi.

ZAAC iri kurwisa kuti pave nemutemo unorambidza maticha kuitisa maextra-lessons vachibhadharwa.

ZACC ethics and public education manager, Dr Munyaradzi Magiga, vakazivisa izvi muhurukuro kuBulawayo paiitwa musangano wekutsvaga nzira dzekurwisa huwori weanti-corrption strategy validation workshop.

Vanoti kubhadhariswa kwemaextra lessons nemari yekunze ratova dambudziko guru munyika.

  Dr Magiga vanoti komisheni yavo yakatogadzirisa dzimwe nyaya kuHarare dzevarairidzi vaida mari yekunze kuitisa maextra lessons ndokuvaudza kuti vadzosere mari dzacho.

“Takatambira nyaya dzakawanda dzimwe kuburikidza nemapepanhau, padandemutande redu (website) uye vanhu vaiuya kumahofisi kwedu. Vange vachigunun’una zvikuru kuti varairidzi ava vari kuvabhadharisa mari dzekunze dzisingatenderwe kushandisa muno. Varairidzi zvavari kuita ndezvekuti vari kuvabhadharisa  mari kutangira paUS$12 pamwedzi pamwana wega. Kune zvimwe zvikoro mari idzi chikamu che70 percent chinoenda kumurairidzi, imwe 30 percent yoenda kuchikoro,” vanodaro.

Dr Magiga vanoti kubhadharisa mari dzekunze hakutenderwi pamutemo.

“Tange tiri kushanda pamwe chete naprovincial education director uye gurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, ndokuudza zvikoro zvitanhatu zviri muHarare kuti zvidzosere vabereki mari vainge vakabhadhara maextra lessons. Takazivisa vakuru vezvikoro kuti vabereki vasainiswe mapepa ekuratidza kuti vadzoserwa mari dzavo,” vanodaro.

Dr Magiga vanoti kana varairidzi vakasatevedzera izvi, vachasungwa voendeswa kumatare edzimhosva.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *