Bvunzo i$15 – Zimsec…‘Hatina kukwidza mari’

Joseph Madzimure

Zimbabwe School Examinations Council (Zimsec) inoti yakatevedzera zvakataurwa neHurumende zvekuti idzikise mari dzinobhadharwa nevadzidzi pakunyora bvunzo kuenda pa$15.

Zimsec yainge yakwidza mari idzi kubva pa$15 kuenda pa$190 pachidzidzo chimwe chete cheO-Level uye $351 kubva pa$26 paA-Level. Hurumende inoti kanzuru iyi inofanirwa kubhadharisa mari yakatarwa mugore ra2015.

Mukushi wemashoko kuZimsec,  Muzvare Nicky Dhlamini, vanoti kanzuru yavo inogamuchira zvakarehwa neHurumende uye zvikoro zvose zvinofanirwa kutevedzera zvakataurwa.

“Mari yekunyora bvunzo iri kuramba iri pa$15 yakare asi hatisati tatumira matsamba kuzvikoro tichivazivisa nezveshanduko iyi.

“Zvikoro zvichawanikwa zvisiri kutevedza zvakataurwa izvi, vabereki vakasungunuka kunomhan’ara kubazi redzidzo,” vanodaro.

Vanoti kanzuru yavo inoshanda iri pasi peHurumende nekudaro inotevedzera zvose zvainenge yanzi iite.

“Isu tinotungamirirwa neHurumende uye zvainenge yataura ndizvo zvatinoita asi kana pakazove neshanduko, tinotumira matsamba kuzvikoro tichivazivisa,” vanodaro Muzvare Dhlamini.

Dzimwe nhubu dzepadandemutande resocial media dziri kufambisa mashoko emanyepo anoti  Zimsec yakaramba kudzikisa mari dzekunyora bvunzo izvo zviri kukonzera nyonga-nyonga uye kushushikana kwevabereki.

Vadzidzi vanoda kunyora bvunzo dzemunaChikumi vanopedzisira kubhadhara mari musi wa28 Kukadzi uye zuva rekupedza kunyoresa bvunzo dzemunaMbudzi musi wa27 Kurume.

Zuva rekupedzisira kubhadhara kune avo vanenge vanonoka kunyoresa musi wa15 Chivabvu.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *