Zvikoro zvogadzirira kudzivirira Covid-19
BAZI redzidzo yepuraimari nesekondari riri mushishi kutenga midziyo nezvimwe zvekushandisa mukurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 zvinokosha $654 147 907 zvemuzvikoro panguva iyo zvakatarisana nekuvhurwa kuitira vana vari kunyora bvunzo.
Madzimai tungamirai mune zvemitambo
VANHUKADZI vokurudzirwa kuti vapinde munyaya dzehutungamiriri hwemitambo yakasiyana-siyana kwete kutyira kure vachiti ndezvevarume chete.
Mbiri usina pekugara haibatsiri
SHASHA yetsiva, Tinashe “Chairman” Mwadziwana anoti mbiri haibatsire kana munhu usina pekugara kana chaunoti ndechako asi uchizivikanwa uri nyanzvi.
ZVIRI MUGAPU: Mutakura wenyimo kunaka
NYANZVI dzezveutano dzinokurudzira vanhu kuti vapote vachidya chikafu chakaita semutakura wenyimo uyo unonzi une zvose zvinovaka muviri uye uchigutsa.
Kujeke oimba nezveCovid-19
MUIMBI wemusambo weSungura, Hebert Kujeke, akabura dambarefu riri pamusoro pekudzidzisa veruzhinji nezvenzira dzekudzivirira chirwere cheCovid-19.
Vorwisa nyaya dzemhirizhonga
VAGARI vemuEpworth vakaparidzirwa mashoko ari pamusoro pechirwere cheCovid-19 uye kurwisa nyaya dzemhirizhoga nesangano reCare At The Core of Humanity (CATCH).
Akadzika murume chidhakwa demo
MUDZIMAI wekuCentenary, kudunhu reMashonaland Central, akasungwa nemapurisa eko nemhosva yekutema-tema murume wake nedemo ndokumukuvadza zvakaipisisa achimupomera kuswera achiraradza nekunwa kachasu izvo zvaiita kuti atadze kuenda kubasa kunoshandira mhuri.
Mudzimai akazvipfura
MAPURISA emuHarare ari kuferefeta nyaya yemudzimai aive nemakore 29 okuzvarwa uyo anonzi akazvipfura nepfuti akafa mushure mekukakavadzana nemurume wake.
Pfumvudza yakaparurwa kuManicaland
AIVE makukuwerere nemusi weChina svondo rapfuura apo Hurumende yakaparura chirongwa chePfumvudza kudunhu reManicaland.
MAONERO EDU: N’anga, maporofita vapesanisa mhuri
SVONDO rino tine nyaya inosuwisa zvikuru, yevarume vatatu vemhuri imwechete vekwaMutambara, kuChimanimani, avo vari kupomerwa mhosva yekuponda babamukuru wavo vachiti ndivo vaikonzeresa matambudziko avari kusangana nawo semhuri.











