ZVIRI MUGAPU: Mutakura wenyimo kunaka

Muchaneta Chimuka

NYANZVI dzezveutano dzinokurudzira vanhu kuti vapote vachidya chikafu chakaita semutakura wenyimo uyo unonzi une zvose zvinovaka muviri uye uchigutsa.

Pamusoro pezvo, iyi imbuva yeparwendo uye tinowana iron nemacarbohydrates kubva munyimo.

Svondo rino Marian Mutukirwi anotsanangura mamwe mabikirwo emutakura uyu.

Zvinodiwa:

Chikari, nyimo dzakaomeswa, mvura nemunyu.

Mabikiro:

Tora chikari chakachena wodira komichi imwechete yenyimo.

Isa makomichi mashanu emvura wogadza pamoto.

Ita kuti moto unge uchipisa zviri pakati nepakati kuitira kuti dzisatsviririre.

Ramba uchiwedzera mvura kusvika dzaibva, wozoisa munyu wakaringana.

Wozodii?

Kana zvadai, chigadzirira kunakirwa nemutakura wenyimo.

Nyimo dzinogona kunwiswa svutugadzike, mahewu kana zvimwe zvinwiwa nekuti dzinodzipa kana ukadzidya dzakadaro.

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhare dzinoti +263 713 411 281.

Related Posts

Makororo aba motokari kuKwekwe

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemotokari yakabiwa mumugwagwa Kwekwe-Chiundura, pedyo nemugwagwa unoenda kuMlezu. Nyaya iyi inonzi yakaitika nomusi wa20 Gunyana nenguva dza4 manheru apo…

Akazviuraya adyiwa neKandege

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuGokwe, mudunhu reMidlands, akazivisa nezvemurume wechidiki anonzi akazviuraya nekunwa muchetura mushure mekudyiwa mari yebasa nenjuga yeKandege. Kuzivakwashe Gava (22) — uyo aibva kwaSabhuku…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×