Kujeke oimba nezveCovid-19

Muchaneta Chimuka

MUIMBI wemusambo weSungura, Hebert Kujeke, akabura dambarefu riri pamusoro pekudzidzisa veruzhinji nezvenzira dzekudzivirira chirwere cheCovid-19.

Dambarefu iri rinonzi “Tarisa Kuno Uone” uye Kujeke anoti akaimba achitevedzera kurudziro iri kupihwa nesangano reWorld Health Organisation (WHO Guidelines) mukuedza kumisa kupararira kwechirwere ichi.

“Ndakabura dambarefu iri ndiine chinangwa chekufundisa veruzhinji, zvikuru avo vasingawane mikana yekuenda paindaneti asi vachinzwa panhepfenyuro nekurava mapepanhau ndichishandisa rurimi rwaamai kuti vazive nzira dzakakosha mukudzivirira Covid-19,” anodaro.

Kujeke anoti Covid-19 yashungurudza nyika saka zvinoda mukomberanwa mukuirwisa.

“Hatichakwanisa kuita mashoo ayo aitiwanisa mari kuti tiraramise mhuri dzedu nokudaro kana tikaramba tichiimba nezvecoronavirus tinovimba kuti zvinobatsira mukuwanisa dzidziso kuvanhu kuti dzimwe dzenguva chirwere ichi chinogona kuzodarika nekukasika,” anodaro.

Anoti mamwe ematambudziko avari kusangana nawo sevaimbi kushaya vatsigiri muzvirongwa zvavanoita padandemutande (live streaming) munguva ino yeCovid-19 sezvo zvisingachakodzeri kuti vaunganidze vanhu.

Kujeke kusvika pari zvino abura madambarefu gumi nerimwe anosanganisira Tashinga, Kutsvaga Muriwo, Makasa Adya Muchokochi, Kugara Kunzwanana naHazvibatsire.

“Kutengeswa kwemimhanzi pandemutande ndiro dambudziko guru munyika muno sezvo zvisati zvava kutambirwa nevakawanda uye vatsigiri vashoma. Asi, munguva ino yeCovid-19 ndiyo bedzi nzira yakakosha kuvaimbi kuti vatengese mabasa avo angava mafirimu, madhirama nezvimwe sezvo zvisisaite kuti tiite mashoo aya ataikokera vanhu vakawanda. Zvinorerutsa zvekare panhau dzezvekufambisa nekumwe kudhurirwa,” anodaro.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×