Baiwai majekiseni — muporofita
Malven Mugadzikwa MUMWE mukuru wechechi yeJohane Masowe kuCentenary anoti chirwere cheCovid-19 hachizi chekuita dambe nacho uye veruzhinji vanofanirwa kugamuchira kubaiwa majekiseni ekudzivirira denda iri sezvo zvakakosha panyaya yekuchengetedza utano neupenyu…
Takanganiswa neCovid: TIMB
Kingstone Mapupu BASA rekutengeswa kwefodya yemwaka wakadarika munyika muno rinonzi rakakanganiswa zvikuru nekuda kwechirwere cheCovid-19 izvo zvave kutyirwa kuti dambudziko iri richadzokorora zvakare gore rino. Dr Andrew Matibiri, avo vanova…
Tinodawo kubaiwa: Maprofita
Kingstone Mapupu N’ANGA nemaporofita vanoti havasi kuzosaririra kumashure muchirongwa chekubaiwa majekiseni ekudzivirira kuti vasabatwe nechirwere cheCovid-19 icho chakaparurwa neHurumende svondo rapera. VaGeorge Kandiyero, avo vanova mukuru wesangano reZimbabwe Traditional Healers…
Mapurisa oyambira anatsikamutanda
Kingstone Mapupu naMuchaneta Chimuka MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ari kuyambira n’anga dzinoita zvehutsikamutanda kumaruwa nekumapurazi dzichiunganidza vanhu kuti dzisiyane nemaitiro aya panguva ino yekurwisa chirwere cheCovid-19 sezvo kuita kwakadai…
Mwana akasvipwa negarwe
Danisa Masuku MWANA mukomana ane makore 13 okuberekwa anogara mubhuku raDick, kuHwange, anonzi kasvipwa negarwe rainge ramuruma gumbo mushure mekunge arwisana naro apo rakamubata achiraura hove mudhamu reKalope Dam. Craighton…
Pfumvudza younza maguta – ZFU
Kingstone Mapupu SANGANO reZimbabwe Farmers Union (ZFU) rinoti kunaya kwemvura yakawanda mwaka uno kwaita kuti nyika itarisane negoho guru rechibage nezvimwe zvirimwa zvichitevera chirongwa chePfumvudza icho chakavambwa neHurumende. VaPaul Zacharia,…
Vochema nemakomba munaSeke Rd
Muchaneta Chimuka SANGANO rePassenger Association of Zimbabwe, rakabatana neCombined Harare Residents Trust, rakanyora tsamba kubazi rinoona nezvekufamba nekusimudzirwa kwezvivakwa richipa chikumbiro chekuti mugwagwa weSeke Road ugadzirwe nechimbichimbi zvichitevera kuwanda kwetsaona…
Mafashamu kuChitungwiza
Muchaneta Chimuka KANZURU yeChitungwiza iri kuyambira vagari vemudhorobha iri pamusoro penjodzi yavanogona kusangana nayo yemafashamu, zvikuru kune avo vagere mumatoro nedzimwe nzvimbo dzakaderera zvichitevera kunaya kuri kuita mvura yakawanda. Kanzuru…
Kubaiwa majekiseni kwofamba nemazvo
Tandayi Motsi HURUMENDE yakaumba chikwata chenyanzvi chinosanganisira vanamuzvinafundo, bazi rezveutano nekurerwa kwevana nevanoona nezvetsvakurudzo (Research and Clinical Services) kuti vaongorore mashandiro ari kuita mushonga uri kubaiwa vanhu wekudzivirira kuti vasabatwe…
Vorwisa zvose HIV neCovid-19
Muchaneta Chimuka SANGANO reNational AIDS Council (NAC) nemusi weChishanu rakapa rubatsiro rwemidziyo yedziviriro yechirwere cheCovid-19 inosanganisira mamasiki 5 000 anoenderana nevanhu vasinganzwi vanoshandisa mutauro weSign Language anonzi pa”lip reading masks”.…











