237 vane Covid-19

Tandayi Motsi
BAZI rezveutano nekurerwa kwevana rinoti huwandu hwevanhu vavhenekwa hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera Covid-19 ndokuwanikwa vaine chirwere ichi muZimbabwe hwakwira kusvika pa237.

Pavanhu 237 ava, 31 vavo vanaya kubva kuchirwere ichi uye vamwe vana (4) vakafa.

Huwandu uhu hwakwira zvichitevera vamwe vanhu 15 vakabva kuSouth Africa ndokuvhenekwa pakati pevamwe, vachibva vawanikwa vaine Covid-19.

Bazi iri rinoti vanhu vavhenekwa hutachiona hwecoronavirus kubva musi wa20 Kurume kusvika pari zvino vasvika 50 920 munyika yose.

“Huwandu hwevanhu vavhenekwa vakawanikwa vaine coronavirus hwasvika pa237 apo 31 vavo vakanaya kubva kuchirwere ichi uye vamwe vana (4) vakafa. Kusvika pari zvino (musi weChina) vanhu vavhenekwa nyika yose vasvika 50 920,” rinodaro bazi iri.

Pavanhu 237 vane Covid-19 ava, Harare ndiyo ine vakawanda vanove 97, ichiteverwa neMatabeland South (40), Masvingo (37), Bulawayo (18), Midlands (13), Mashonaland West (12), Manicaland (8), Mashonaland East (6), Mashonaland Central iine vanhu vatatu zvose nekuMatabeland North.

Related Posts

MaWarriors dhuma-dhuma neSierra Leone

Abel Ndooka CHIKWATA chenyika chenhabvu chemaWarriors chiri kupinda muhondo nhasi apo chiri kusangana necheSierra Leone mumutambo wekurwira kuenda kumakwikwi e2027 Africa Cup of Nations. Mutambo wemaWarriors neLeone Stars uri kutambirwa…

MaLady Chevrons obandana neWest Indies

Abel Ndooka CHIKWATA chenyika checricket chemadzimai, chemaLady Chevrons, chiri kupinda muhondo kutanga svondo rino, apo chichatatsurana necheWest Indies mumitambo mitanhatu. MaLady Chevrons neWest Indies zvichasangana mumitambo inoti mitatu yeOne-Day International…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *