Parirenyatwa yagadzirira

Munyori weKwayedza
CHIKAMU cheParirenyatwa Group of Hospitals icho chakasarudzwa senzvimbo yekuchengetera varwere veCovid-19 pamwe nekuvarapira chapera kuvandudzwa uye chagadzirira kutora varwere ava.

Chikamu ichi chakavandudzwa sezvaitarisirwa uye michina nemimwe midziyo inodiwa zvavapo, apo Hurumende iri kusimbaradza matanho ekurwisana nechirwere icho chatekeshera pasi rose ichi.

Nemusi weChina svondo rino, gurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr Obadiah Moyo, vakabatana negurukota rezvekutongwa kwematunhu, mabasa eruzhinji nekuwaniswa kwedzimba, Cde July Moyo nevamwe vakuru-vakuru veHurumende mukumema muzinda unozivikanwa nekuti “Covid-19 Red Zone” uyu.

Kumema uku kwaive nechinangwa chekuona pasvika gadziriro dzekuti muzinda uyu uchitanga kushandiswa.

Muzinda uyu une mibhedha 420 uye makurukota aya nevamwe vakamema mawadhi, nzvimbo inoitwa varwere oparesheni neIntensive Care Unit.

Basa rose rekuvandudzwa kwemuzinda uyu rakapera zvakanaka.

Vachitaura mushure mekumema muzinda uyu, chamangwiza wechipatara ichi, VaEnerst Manyawu, vanoti vanofadzwa zvikuru nekufamba kuri kuita basa iri asi pane mimwe midziyo yakakosha ichiri kudiwa.

“Nzvimbo dzedu dzinoitwa oparesheni varwere dzava nemidziyo, asi tichiri kumirira mimwe kubva kubazi rezveutano nekurerwa kwevana,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Panyaya yezvivakwa, sechipatara, ndinoti zvave pedyo nekuringana uye tinotenda zvikuru mamaneja emabasa edu avo vakakwanisa kufambisa basa rekuvandudza chipatara ichi nenguva duku-duku.”

Vanoti muzinda uyu uchange wave nevashandi vakakwana pamwe chete nezvekushandisa panguva iyo unozotanga kutambira varwere veCovid-19.

Zvichitevera ongororo yakaitwa neHurumende muchikanu chezveutano, zvipatara 13 munyika yose zvakasarudzwa kuti zvibatsire varwere veCovid-19.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×