ZIMBABWE ine vadzidzi vana avo vari kumirira nyika kumakwikwi epasi rose ekukakavadzana, eWorld Schools Bebating Champions, ayo akatanga neChipiri svondo rapera kuSingapore.
Vadzidzi ava ndevanoti vatatu veA-Level paMtshabezi High School – Kundayi Nobela, Zibusiso Ndlovu, Charming Dube naLompophoma Khumalo uyo ari kuita O-Level paUsher High School uye zvikoro izvi zvose zviri kuMatabeleland South.
Vachitaura apo vaionekana nevadzidzi ava muHarare svondo rapera, gurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, vakavakurudzira kuti vanosimudza mureza wenyika nekubudirira kumakwikwi aya.
“Dzidzo yemunyika iri kuratidza kuti iri padanho repamusoro nekukwikwidza kuri kuita vadzidzi vakadai ava nevamwe venyika dzepasi rose. Pamusoro pezvo, Zimbabwe ndiyo iro pamusoro pedzimwe nyika dzose muAfrica panyaya yekuve nevanhu vanogona kuverenga nekunyora,” vakadaro Dr Dokora.
“Ndinoti kuvana vechikoro kudzidza kwakakosha, shandai nesimba. Zvakare ndinoti makorokoto kune avo vasarudzwa kunomirira nyika ,” vakadaro Dr Dokora
Makwikwi aya ari kupindwa nevadzidzi venyika 53 dzemuAfrica uye aka ndekekutanga Zimbabwe kuenda kumakwishu akadai.
Vadzidzi ava vakasarudzwa kubva mumakwikwi enyika yose e2014 Zimbabwe School Debating Championship ayo aitsigirwa nesangano reContemporary Affairs Foundation.
Zimbabwe ichange iri muboka rine nyika dzinosanganisira Israel, Slovenia, Spain, Hungary, India neGermany.




