Nyika kuna Rudo yoita mhidigori. . . ava kungofungisisa

CHITSAUKO 17 (Nyaya yacho: Enderero mberi):

Anobva atya kukotsirazve achitya kurota mazikuhope anotyisa kudaro. Kunze pakunochena, anomuka ndokugadzira mubhedha wake nekurongedza mumba make achingofunga.

Nyika inoita mhidigari kwaari zvinhu zvose zvominama zvisingaitiki zvakafanana nekuti miti yomera midzi mudenga, mashizha muvhu, dzimba dzomira nematenga uriri huri mudenga, nzizi dzichierera dzichikwira mumakomo.

Anofunga kuti achaona kiti dzichifura uswa chete kana nyeredzi pasi. Pfungwa dzake dzinombodzoka pahudiki hwake achitamba nevamwe vasikana vechikoro, vanhu vaigara mumisha yainge yakapoteredza mishoni vaine rudo, rukudzo nemwoyo mirefu, vakabatana.

Anorangarira kupinda kwake chikoro pamusha nezvekuenda kuMudavanhu kunodzidza ikoko. Anobva ayeuka mazwi emukuru wechikoro wopaMudavanhu okurayira vana vake paaionekana navo. Anoona patsva rwendo rwake rwokupedzisira kuuya kumusha munhu ndokurwadziwa nazvo misodzi ndokutanga kuerera munhu ndokusimbisa chitsidzo chake sechemwana muparadzi uya wemubhaibheri.

ONGORORO:

Peji 80 inobva yanyatsa kutiudza kuminama kwainge kwaita zvinhu maererano neupenyu hwaRudo. Papeji 78 tambosangana neyeuchidzo yezvakamboitika kare (allusion) toona yava kudzokororwa zvakare papeji 81. Izvi zvinotiratidza kuti Rudo ainge anyatsa kuona kukanganisa kwake asi hazvibvi zvaita sekunge kumberi kuchave nechakanaka.

Tichitanga kuverenga chitsauko ichi tinoona munyoro achishandisa siyaniso (contrast). Zvatabva kuverenga muchitsauko 16 zvabva zvasiyaniswa nezvava pakutanga kwechitsauko 17 sekusiyana kwakaita ruvara ruchena nerutema.

Tinosiririswa chaizvo tichinzwira Rudo tsitsi maererano nezvinoitika kwaari. Patinoverenga Peji 79 ndima yetatu tinobva tabayiwa mwoyo apo Rudo anoona zvakaitika.

Mazwi aya anotibaya mwoyo: “Akarangarira zvakare kuti zvakanga zvaitirwa amai vake ndizvo zvaakanga aitirwawo iye nevanhu vaviri vaigara mudhorobha rimwe chete reGweru”, “Ayawo zvakare anowedzera kutokonywa kwatinoitwa mumwoyo yedu”, “Amai vake vaiva nherera yakanyengedzwa nomukomana iyewo aiva nherera yakanga yanyengedzwa naJoe” (79).

Enzaniso dzinotiratidza maitikiro ezvinhu. Ramangwana racho tabva mudzvotsvotsvo remvura yekunaya, kunze kunofuma kwakanyarara, zuva richinyatsoita kamushana “sokomuchando chaiko” (78).

Mafambiro aiita chitima apo Rudo aienda kumusha anotsanangurwa achinzi, “Chichinge chiri kuyerera norwizi” (78). Apo Rudo anorangarira zvaainge aitirwa iye naamai vake, musoro wake unotenderera “sokunge akanga amwa doro” (79). Hope dzake dzinomuratidza achipinda mune “rainge bako kana zigomba rakakura chaizvo” (79). Nyika kwaari mwanasikana uyu yakaita “seyaita mhidigari” (80).

(Enderero mberi svondo rinotevera.)

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×