41 000 vowaniswa mvura yakachena

Abel Ndooka
SANGANO remubatanidzwa wemachechi, reZimbabwe Council of Churches (ZCC), rakatanga chirongwa chekuvandudza zvibhorani zvakafa zviri kumativi mana enyika nedonzvo rekuti vanhu vanodarika 41 000 vawane mvura yakachena izvo zvinobatsira mukurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Muhurukuro neKwayedza, ZCC general-secretary Reverend Dr Kenneth Mtata vanoti mvura upenyu nekudaro sangano ravo rinoona zvakakodzera kuti rivandudze zvibhorani zvakawanda nedonzvo rekuti veruzhinji vawane mvura yakachena.

“Mvura upenyu uye mvura yakachena inodiwa chaizvo nekuti inobatsira pakuti hairwarise. Nguva ino tiri kurarama nechirwere cheCovid-19, mvura yakachena ndipo painofanirwa kunge ichiwanikwa kune veruzhinji kuitira kuti pasazova nekunyuka kwemamwe matambudziko anosanganisira zvirwere zvemanyoka secholera netyphoid,” vanodaro Rev Dr Mtata.

Vanoti zvibhorani zvavari kuvandudza zvinodarika 125 uye zviri pedyo nezvipatara zviri kumatunhu ose enyika.
Zvibhorani izvi zvinosanganisira zviri kuManama (Gwanda), Tshelanyemba (Matobo), Mnene Mission (Mberengwa), Musume (Mberengwa), Chireya (Gokwe North), St Alberts (Muzarabani/Centenary), All Souls (Mutoko), Gutu (Masvingo), Mutambara (Chimanimani) neMt Selinda iri kuChipinge.

“Izvi zvichabatsira kuti vanhu vari munzvimbo idzi vanodarika 41 080 vawane mvura yakachena yekushandisa.
“Basa iri takaritanga taona kuti kunzvimbo idzi kune dambudziko remvura.

“Dambudziko iri raizokonzera kuti madzimai pamwe nevanasikana vafambe vachienda kunzvimbo dziri kure kunotsvaga mvura,” vanodaro Rev Dr Mtata.

Vanoenderera mberi vachiti, “Uyezve kushaikwa kwemvura kunokonzera hutsvina mudzimba sezvo vamwe vachiedza kuchengetedza mvura nekuita mazuva vasina kana kugeza muviri.”

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×