Kushomeka kweropa neCovid 

Abel Ndooka 

SANGANO rinomiririra vanhu vanorarama nechirwere chekushomeka kweropa mumuviri, reSickle Cell Anaemia Trust Zimbabwe (SCATZ), rinoti varwere vakadai vanoda kurangarirwa, kunyanya panguva ino apo chirwere cheCovid-19 chiri kupararira zvakanyanya munyika muno. 

Vanhu vanorarama nechirwere chekushomekerwa neropa ichi – icho chinozivikanwa nekunzi sickle cell anaemia – vanonzi upenyu hwavo hunoenda panjodzi huru kana vakabatwa neCovid-19. 

Executive director weSCATZ, Mai Molyn Chima – avo vanovazve muvambi waro – vanoti vanhu vanorarama nechirwere ichi vanoda rutsigirwo rwakasimba panguva ino apo nyika yakatarisana nechirwere cheCovid-19. 

Munhu ane sickle cell anaemia anonzi kana akabatwa nechirwere chechikosoro kwenguva diki-diki anotogona kuswera atove muchipatara upenyu hwake hwave panjodzi. 

“Vanhu ivava vanoda kurangarirwa nekuti miviri yavo haidi kukanganiswa nezvimwe zvirwere. 

“Munhu ane sickle cell anaemia, Covid-19 ikamubata inotomukanganisa zvakanyanya apa mishonga yacho yagara inodhura nechekare,” vanodaro Mai Chima. 

Mai Chima vanokurudzira vanhu vanorarama nechirwere ichi kuti vatorewo matanho akakodzera ekuzvidzivirira kubva kuCovid-19 nekutevedzera matanho akatarwa sekupfeka mamasiki kana vari paruzhinji nekugeza mawoko nemvura ine sipo. 

“Sevanhu tinorarama nesickle cell anaemia, ndiri kukurudzira kuti ngatigare kure nevamwe vanhu panguva ino kusvika kunze kwanaka, kwave kugarika nekuti Covid-19 iriko uye iri kuuraya. 

“Munhu ane sickle cell anaemia ndinomutyira, haatofanire kubatira Covid-19 nekuti zvirwere zviviri izvi zvikasangana pamunhu panoita dambudziko guru,” vanodaro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×