47000 vakasiira chikoro panzira

VANA vanodarika 47 000, avo vaiita Form 4 neForm 6 gore rapera vanonzi vakasiira chikoro panzira kana kuti vakatadza kunyora bvunzo dzeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec) nekuda kwehurombo.

Ongororo yakaitwa munyika yose nebazi redzidzo yepuraimari nesekondari inoratidza kuti vadzidzi 44 306 veO-Level ne3 299 veA-Level havana kubudirira kunyoresa kuti vanyore bvunzo idzi.

“Huwandu hwevadzidzi vakange vachifanira kunyora Form 4 gore rapera vaive 200 897 uye 156 591 vavo ndivo vakanyoresa zvidzidzo zvishanu kana kudarika. Kureva kuti vadzidzi 44 306 havana kuyoresa kuti vanyore bvunzo kana kuti vakanyoresa zvidzidzo zviri pasi pezvishanu,” rinodaro bazi iri, iro riri pasi pegurukota Dr Lazarus Dokora.

Ongororo iyi inoratidza zvakare kuti matunhu anoti Mashonaland East, Masvingo, Matabeleland North neMidlands ndiwo ane vadzidzi vakawanda vakakundikana kunyora bvunzo.

Mashonaland East ine vadzidzi 6 477 vakasiira chikoro panzira apo Masvingo iine 7 006.

Matabeleland North ine vadzidzi 2 720 vasina kukwanisa kunyora bvunzo.

Bulawayo ine chikamu chevadzidzi vanosvika 18,1% vakasiira chikoro panzira, Harare iine 17,5%.

Bazi iri rinoti kukundikana kwevana kubhadhara mari yechikoro ndicho chikonzero chikuru chiri kuita kuti vamwe vasiire fundo panzira.

Zvimwe zvikoro zvinonzi zvakare zvakarambidza vana vane mbiri yekudofora kunyoresa bvunzo senzira yekusimudzira huwandu hwevadzidzi vanozopasa.

Zvimwe zvezvikonzero zvinosanganisira kushaikwa kwezvekushandisa zvakakwana muzvikoro izvo zvakaita kuti vamwe vadzidzi vange vachikundikana kugadzirira bvunzo dzavo nenguva.

Matunhu eBulawayo neHarare anonzi akave nekuderera kwakanyanya kwevana vakasiira chikoro panzira nekuda kwekuti vana vazhinji vari munzvimbo idzi vabereki vavo vane mari uye vanoshanda kana zvichienzaniswa nevekumaruwa.

Vadzidzi vakange vari muzvikoro munyika yese gore rapera veUpper 6 vaive 32 635 avo mukati mavo 29 536 vakanyoresa zvidzidzo zviviri kana kudarika.

Musiyano uripo ndewekuti vamwe vacho vanogona kunge vasina kutonyoresa zvachose kana kuti vakanyoresa chidzidzo chimwe chete.

KuMashonaland East, Harare neMasvingo kunonzi kune vana vakawanda vasina kunyoresa zvidzidzo zviviri kana kudarika.

“Hudzamhu hwedzidzo yevana vekumaruwa hwakanyanya kuderera nekuda kwekuti vazhinji vavo vanofamba nzendo refu kuenda kuchikoro uye kushomeka kwevadzidzisi vakafundira basa pamwe nekukundikana kwevabereki kuwana mari dzekunyoresa bvunzo,” rinodaro bazi iri.

Munguva pfupi yadarika, Hurumende yakazivisa kuti vabereki vave kubvumirwa kubhadhara mari dzekunyora bvunzo dzevana pashoma nepashoma zvichitevera kuoma kwakaita upfumi munyika.

Mari yekunyoresa bvunzo dzeA-Level iUS$26 pachidzidzo chimwe chete uye paO-Level mudzidzi anobhadhara $15 pachidzidzo neUS$15 zvakare yekututsira pazvidzidzo zvemabasa emawoko. — Bulawayo Bureau.

 

Related Posts

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Nhengo dzemuviri wemunhu dzawanikwa mudumbu regarwe mushure memazuva 22

Rutendo Nyeve NHENGO dzemuviri wemurume akaurayiwa negarwe padhamu reMpopoma, kuMatobo nemusi wa1 Chivabvu dzakazoonekwa dziri mudumbu rengwena iyi mushure mekunge yavhiiwa kwapera mavhiki anodarika matatu. Izvi zvakaziviswa neveZimbabwe Parks and…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×