Nyakoko osimudzira mutambo wewiricheya

SHASHA yemujaho wewiricheya, Wilson Nyakoko, anoti ari kuita zvidzidzo zvekurairidza mutambo uyu nechinangwa chekusimudzira vatambi vechidiki vari kusimukira.

Willaya, sezita rake remadunhurirwa, anoti ari muhurukuro nevakotsveri vakasiyana vari kunyika dzakaita seUnited States of America kuti vakotsvere mutambo uyu.

“Ndine shamwari dzangu dziri kuAmerica idzo ndiri muhurukuro nadzo kuti dzitibatsire kusimudzira mutambo uyu muno.

“Ini hangu ndiri kuita zvidzidzo zvekurairidza mutambo uyu kuti ndigokwanisa kubatsira vamwewo vari kusimukira.“Ndinoda kuona vatambi vakawanda vachive nemarangwana ravo rakanaka rakajeka zvikuru,” akadaro Nyakoko.

Nguva pfupi yadarika, Nyakoko akakundikana kuenda kunokwikwidza kuUnited States of America kumijaho mitatu inoti weAnnual Kesselar Foundation 10km Road Race, Peachtree 10 km Road Race neweBoilermaker.

Nyakoko, uyo ane mukurumbira wekuhwina menduru dzakawanda, anoti gore rino aida kusimudzira vamwe vatambi asi akakundikana nekuti ange asiri kukwikwidza.

Anoti nguva ino anofanirwa kunge achikwikwidza mumijaho yakawanda asi kukundikana kuwana wiricheya itsva kwaakaita kwakamudzosera kumashure.

“Pachokwadi ini gore rino handina hangu kufara nekutadza kukwikwidza kwandakaita mitambo yakasiyana.

“Ndakamirira kuti wiricheya yangu itsva isvike ndochitanga kuita gadziriro dzegore rinotevera. Ino ndiyo nguva yandinofanirwa kunge ndichikwikwidza manje kwete kugara kwandakaita.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *