$5 yekuchengeta mwana

Lizzy Mushoriwa —
MUMWE murume akashamisa vanhu vaive mudare apo akati anokwanisa kubhadhara mendenenzi ye$5 pamwedzi yekuchengeta mwana.

Samson Matora akataura mashoko aya mudare reHarare Civil Court mushure mekunge amhan’arirwa naSekesai Nyamutsega achida kuti abhadhare mari yekuchengeta mwana wavo.

“Vakuru vedare, ndaunzawo baba ava nenyaya yekuti vachengete mwana watakaita tose. Ndiri kuda $90 yekuriritira mwana kuti awanewo chekudya nechekupfeka sezvo achiri mudiki zvakanyanya.

“Mwana ane mwedzi misere azvarwa, ini wacho handina kubasa kwandinoenda. Ndozviziva kuti ane mukadzi nevamwe vana vatatu, asi pamwedzi anowana mari inosvika $200 nekuti anoita zvekugera vanhu misoro. Zvekuti ane vana vashanu zvaave kutaura muno mudare kwava kunyepa, kuda kuti mari yaanondipa iite shoma,” akadaro Nyamutsenga.

Matora akapikisana naNyamutsenga achiti haawane mari inosvika $200 pamwedzi kubva mukugera vanhu misoro.

“Ndinokwanisa kubhadhara $5 nekuti upenyu hwangu hausisina kumira zvakanaka sezvaanoziva. Pari zvino ndava kugara kumusha uko kwatiri kupona nechikafu chekushandira.

“Handichaiti zvekugera vanhu misoro nekuti mukadzi iyeyu ndiye akaita kuti ndikuvare ruwoko paakatumira mamonya akandirova ndikasara ndakuvara zvakaipisisa. Mukadzi wangu wandiri kugara naye pari zvino ndiye ari kutoshandira mhuri kuti tiwane zvekudya.

“Ari kuti ndine vana vatatu asi hazvisirizvo, vana vandinavo vashanu nemukadzi wandiri kugara naye,” akadaro Matora.

Mutongi Manasa Musiiwa akati Matora abhadhare $25 pamwedzi yekuchengeta mwana wake.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×