52 700 vaongororwa chirwere cheCovid-19

Munyori weKwayedza
ZIMBWABWE yavheneka vanhu vanokwana 52 725 chirwere cheCovid-19 nyika yose kubva patanga chirongwa ichi musi wa20 Kurume gore rino.

Kusvika pakupera kwesvondo radarika, pavanhu vaongororwa Covid-19 ava, varwere 279 vange vawanikwa vaine chirwere chinokonzerwa nehutachiona hunodaidzwa kuti coronavirus ichi.

Pavarwere ivava, 33 vavo vakatonaya kuchiti vamwe vana (4) vakashaya.

Mumashoko arinoburitsa pazuva ari pamusoro pemamiriro eCovid-19 munyika, nemusi weMugovera bazi rezveutano nekurerwa kwevana rakazivisa kuti kusvika musi uyu, vanhu 279 vange vavhenekwa vakawanikwa vaine chirwere ichi kubva patanga chirongwa chekuongorora vanhu vanacho nevasina nyika yose musi wa20 Kurume.

“Nhasi (Mugovera) vanhu gumi nevana (14) vawanikwa vaine Covid-19. Vanhu ava vose vange vadzoka kubva kuSouth Africa uye tatovagarisa kwavo voga,” rinodaro bazi iri.

“Zvinoreva kuti kusvika pari nhasi, huwandu hwevanhu vaongororwa vakawanikwa vaine Covid-19 hwasvika pavanhu 279. Pavanhu ivava, varwere 33 vakwanisa kunaya kuchiti vamwe vana (4) vakashaya kubva patanga kuvhenekwa vanhu musi wa20 Kurume.

“Nhasi vanhu 153 vavhenekwa neyatinoti RTD screening kuchiti vamwe 354 vaitwa yatinoti PCR diagnostic tests. Izvi zvava kureve kuti huwandu hwevanhu vose vavhenekwa Covid-19 kubva patanga chirongwa ichi musi wa20 Kurume hwasvika 52 725 (31 371 veRDT ne21 354 vePCR),” rinodaro bazi rezveutano.

Bazi iri rinoti hurongwa hwekuti vanhu vose vanopinda muZimbabwe vanombotanga vagariswa kwavo voga (quarantine) huri kubatsira pakuti chirwere cheCovid-19 chikasike kuonekwa izvo zvinodzivirira kutapuriranwa kwacho munyika.

Dunhu reHarare rava nevanhu 98 vabatwa vaine Covid-19 richiteverwa neMatabeleland South iyo ine varwere 41, kuchizouya Masvingo (37), Midlands (24), Mashonaland East (23), Bulawayo (19), Mashonaland West (15), Manicaland (12), Matabeleland North (6) neMashonaland Central ine 4.

 

Related Posts

MaWarriors dhuma-dhuma neSierra Leone

Abel Ndooka CHIKWATA chenyika chenhabvu chemaWarriors chiri kupinda muhondo nhasi apo chiri kusangana necheSierra Leone mumutambo wekurwira kuenda kumakwikwi e2027 Africa Cup of Nations. Mutambo wemaWarriors neLeone Stars uri kutambirwa…

MaLady Chevrons obandana neWest Indies

Abel Ndooka CHIKWATA chenyika checricket chemadzimai, chemaLady Chevrons, chiri kupinda muhondo kutanga svondo rino, apo chichatatsurana necheWest Indies mumitambo mitanhatu. MaLady Chevrons neWest Indies zvichasangana mumitambo inoti mitatu yeOne-Day International…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *