EMA yochema nemakorokoza

Kingstone Mapupu
CHIKAMU cheEnvironmental Management Agency (EMA) chinoti dunhu reMashonaland West rawedzera panyaya dzekuparadzwa kwezviwanikwa kuburikidza nemabasa echikorokoza nekutemwa kwemiti panguva ino apo vanhu vari kunzi vagare kudzimba senzira yekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Covid-19 inokonzerwa nehutachiona hunodaidzwa kuti coronavirus.

VaMunyaradzi Nhariswa, avo vanova Environmental Education and Publicity Officer weEMA kudunhu Mashonaland West, vanoti apo veruzhinji vari kukurudzirwa kuti vagare kudzimba, kune vamwe vave kutora mukana uyu kuita zvechikorokoza nekuparadza masango.

Zuva rekuchengetedzwa kwezviwanikwa pasi rose, reWorld Environment Day, iro rakaparurwa mugore ra1972, rinocherechedzwa nemusi wa5 Chikumi pagore.

“Kuno tagara tiine matambudziko ekuparadzwa kwezviwanikwa asi pari zvino zvawedzera, sechikorokoza chawanda apo vanhu vari kukurudzirwa kuti vagare kudzimba,” vanodaro VaNhariswa.

Vanoenderera mberi vachiti, “Nzvimbo dzanyanya dambudziko rekuparadzwa kwezviwanikwa iMhondoro-Ngezi, Sanyati, Chegutu nekuNemakonde, kuChikuti uko makorokoza anetsa. Ikoku nyika yangova makomba oga-oga.”

Vanoti kuburikidza nekushanduka kwemamiriro ekunze, mvura haichanaya zvakanaka kune dzimwe nzvimbo dzekudunhu iri izvo zvakwezva nzara, kunyanya mumwaka uchangodarika.

“Nekuti kudzimba kwapinda nzara, vamwe vanhu vave kuita chikorokoza nekutema huni zviri kunze kwemitemo vachitengesa. Makorokoza aya anoshandisa mishonga isingabvumidzwe yakaita semercury izvo zvakonzerawo kunyangara kwemvura munzizi nemumadhamu,” vanodaro VaNhariswa.

Vanoti dambudziko rekuparadzwa kwemasango rawedzerwa nevarimi vefodya avo vanotema miti vachida huni dzekupisisa chirimwa ichi.

“SeEMA, uye takabatana neForestry Commission, tiri kurwisa kuti tideredze kutemwa kwemiti nevanhu vanotengesa huni nevarimi vefodya. Panyaya yemakorokoza, tiri kubatsirana nemapurisa uye isu tichifamba tichipa dzidziso kuvanhu ava munzvimbo dzavari pamusoro pekuipa kwekuparadza masango,” vanodaro VaNhariswa.

Vanoti rimwe dambudziko ndere moto wesango.

“Dunhu redu munyika yose ndiro rine dambudziko rakakurisa remoto wesango zvekare nzvimbo dzakanyanya dzinosanganisira Hurungwe, Zvimba, Nemakonde neChegutu,” vanodaro.

 

Related Posts

MaWarriors dhuma-dhuma neSierra Leone

Abel Ndooka CHIKWATA chenyika chenhabvu chemaWarriors chiri kupinda muhondo nhasi apo chiri kusangana necheSierra Leone mumutambo wekurwira kuenda kumakwikwi e2027 Africa Cup of Nations. Mutambo wemaWarriors neLeone Stars uri kutambirwa…

MaLady Chevrons obandana neWest Indies

Abel Ndooka CHIKWATA chenyika checricket chemadzimai, chemaLady Chevrons, chiri kupinda muhondo kutanga svondo rino, apo chichatatsurana necheWest Indies mumitambo mitanhatu. MaLady Chevrons neWest Indies zvichasangana mumitambo inoti mitatu yeOne-Day International…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *