Hardway Nyakuwarwa
MURUME wekuKambuzuma muguta reHarare anoti akapona neburi retsono apo akafamba makiromita anosvika matanhatu akanamira pabhoneti remotokari yechikomba chemukadzi wake apo vakange vave kutiza mushure mekuvabatikidza vachisasana. Douglas Chipindu (33), uyo anoshanda pakereke yeApostolic Faith Mission in Zimbabwe Kambuzuma Assembly uye achigara ipapo, anoti akabatikidza mudzimai wake, Memory Tsikirai (26) aine chikomba Shepherd Mapfumo, icho chakazovhetemetsa motokari murume uyu ari pabhoneti.
Chipindu anoti anga ave nenguva achinzwa mashoko ekuti mudzimai wake ari kuita zvechipfambi, izvo zvakamutuma kuti aronge zano rekuzvionera oga.
Akaudza Kwayedza kuti:
“Ndaingonzwa nevanhu kuti mukadzi wangu ane chikomba, nekudaro ndange ndave kupota ndichirindira nzvimbo idzo ndainzwa kunzi vanosangana. Mudzimai wangu aishanda kuchitoro chinonzi Flame Lilly muna Jaison Moyo uko aipedza basa na6:30pm asi kana rakawanda kuma7pm. Chitoro ichi ndechehanzvadzi yangu anonzi Naume.”
Anoti rimwe zuva uri musi weMugovera husiku nenguva dza10, akabuda panze aona kuti nguva dzakanga dzafamba mukadzi wake asati asvika kumba ndokuona motokari yaive yakamira pedyo nepamba pake nechekunoperera juraworo.
“Ndakafamba ndichiswedera pamotokari, ndipo pandakaona vanhu vachitsvodana ndikaona kuti mukadzi wangu, ini ndokunomira mberi kwemotokari. Mukadzi wangu paakaona kuti ndini, haana kugona kuburuka mumotokari.
“Chikomba ichi chinoshanda pakambani inodzidzisa kutyaira mota (driving school) nechepedyo nepanoshandira mukadzi wangu,” akadaro.
Chikomba ichi, anodaro Chipindu, pachamakamuona chakabva chavhunduka ndokusimudza mota asi iye akaramba akamira mumugwagwa weKambuzuma Drive.
“Ndakabva ndabatirira pabhoneti remotokari yake, iye ndokumhanya neni achibopa mabhureki kuti zvichida ndingadonhe. Asi ndakaramba ndiripo.
“Pakazosvika vamwe vakomana vekombi ndokuzama kumumisa asi akanga achinzvenga-nzvenga tikabva tabuda muSection 4 Kambuzuma tananga munaLytton Road yekuSoutherton umo matakatenderera kanokwana kana ndingoripo pabhoneti,” akadaro Chipindu.
Anoti pakazoitawo mumwe murume aive nemotokari yerudzi rweNissan Liberty, uyo akatangawo kudzingirira chikomba ichi mushure mekunge amuona akarembera pabhoneti.
“Akabva azovhiringidza mafambiro emotokari yechikomba apo chakazomira tafamba chipo chemakiromita matanhatu. Akada kutiza vakomana vekombi vakabva vasvika ndokubva amira yakava bata murefu bata mupfupi. Vanhu vaiva nehasha, ndokutanga kudirwa doro vose chikomba nemukadzi wangu.” Chipindu anoti akazotora makiyi emotokari uye pave pashure ndokuwirirana nechikomba ichi kuti vaende kunoyananiswa kukamba yemapurisa yeKambuzuma Police Station.
“Chikomba chakabvuma mhosva ndokubhadhariswa mari uye ndine gwaro randakapihwa kumapurisa. Mapurisa akati hazvichagoni kuti ini nemukadzi wangu tiende tose, saka vamufundisi vedu vanonzi Phanuel Chiruva vakabva vadanwa ndokuuya. Ndivo vakazotakura mudzimai wangu pamwe naamai mufundisi kuenda naye kumba kwavo,” akadaro Chipindu.
Murume uyu anoti zuva rakazotevera mudzimai wake akazouya kumba ndokutakura zvinhu onanga kumusha kwake kwaGutu, kuMasvingo.
“Semunhu akange akaroora ndikabvisa mari inoita $600, ini nemudzimai takange tichigadzirira muchato uye kune vamwe vekukereke vakange vatipawo 80kgs dzemupunga nezvimwe zvakawanda.
“Vakuru vekubasa kwechikomba ichi vakazoti chaifanira kundibhadhara $500 sezvo akanga aputsa imba yangu uye akandipa imwe mari inota $200.”
Chipindu anoti tezvara vake vakazouya vachida kuvayananisa asi akaramba achiti zvinodawo baba naamai vake varipo.
Apo akataurwa naye neKwayedza panhare, mudzimai waChipindu, Memory, akatsinhira pasina kukakama kuti nyaya iyi yakaitika.
“Nyaya iyi yakaitika, ndakange ndisingatarisiri kuti zvichasvika pakadai. Ichokwadi, murume wangu akandiwanikidza ndiri mumotokari ndikarega kuburuka akapotsa afa ari pabhoneti.
“Ini nemurume wangu taigona kusvika pakunzwisisana asi vabereki vake ndivo vave kumufurira kuti arambe. Pari zvino ndiri kuno kumusha kwaGutu kuvabereki vangu asi muchinguva chipfupi pfupi ndinenge ndave kuenda kuBulawayo kunoshanda muchitoro chembatya,” akadaro Memory. Akangodura zita rechikomba chake ndokutaura kubasa kwacho.
“Nhamba dzake handichina pamwe nezita rake chairo rokuberekwa ndakanganwa ndongoziva kuti Mapfumo. Zvaingove zvechibhubhubhu,” akadaro Memory.
Hanzvadzi yaChipindu, Naume, uyo aishandirwa naMemory akatiwo:
“Nyaya iyi yaitika kumba, ndipo ndakazoona muroora achiuya akandiudza kuti ave kusiya basa. Ndakamuti anyore tsamba achitaura chikonzero chaasiira basa nekuti mangwana zvinozonetsa.”
Baba vemurume wekubatikidza mudzimai uyu, VaNicholas Chipundu (66), vanoti havana kufadzwa nezvakaitwa namadzitezvara vemwanakomana wavo pamusoro penyaya iyi ndokuvapomera mhosva yekumugadza dare ivo vasipo. “Handina kufara nanatezvara vemwana wangu sezvo apo pavaida pfuma vaiuya kwandiri asi muroora wangu paakabatwa nechikomba havana kuda kutaura nesu asi kutoti vakaverevedza kuenda kunotonga mwana wangu ini ndisipo sekunonzi haana vabereki. Kurudzi kwedu hatizvizivi zvakadaro.
“Muroora ndakamufonera mushure mekunge asina kuuya kuno ndichida kunzwisisa kuti chii chakatora nzvimbo. Ndipo paakatanga kutuka achiti, ‘imi ndimi munorambanisa vana’.
“Ko akatadza nei kuita chivanhu chekutizira kuno kumusha? Isu taizogona kudzora mwana wedu, asi nechikonzero chezvaakaita aiwa, muroora ngaaende zvake. Chatinoda kuti atipe vana vedu kuti anyatsofara hake nezvikomba zvake,” vakadaro VaChipindu. VaInnocent Tsikirai, vanova baba vaMemory, vakatiwo zvakaitwa nemwana wavo zvinowanikwa pakurarama. “Dambudziko rakaita mukuwasha wangu kusauya kuno kuzotaura nyaya yake kuti igadziriswe. Akangotumira vana nemukadzi akati iye haachada nezvemukadzi. Saka iniwo handina chandingaite pavaviri ava.
“Semhunhu anga akadeedzera neR5, hazvindifadzi sezvo mwana wangu aisununguka nemaoparesheni nekudaro ndinoda mombe tsere ne$500 nekuti munhu uyu akaberekerwa vana vaviri,” vakadaro tezvara ava.
Zvakadaro, Fiona Mucheri, uyo anove administrator pakambani yeRing Driving School apo panonzi paishanda chikomba ichi, akati Mapfumo akasiya basa. “Mapfumo haasisipo pano zvichitevera chiitiko chekutora mukadzi wemunhu pamwe nezvimwe zvikonzero zvinoenderana nebasa zvaakatadza kuita. Zvekare akabva achinja nhamba dzenharembozha yake zvichitevera bongozozo raakatanga. “Pano tine gwaro ratakanga tamunyoresa sezvo akanga abvuma kuti atora mukadzi wemunhu nekudaro mari yaairipa taiibata kuno kubasa. Pari zvino ndakabatikana nebasa kuti nditsvage gwaro racho sezvo muhofisi muno muine chidzidzo chave kuda kutanga,” akadaro Mucheri.
Kwayedza haina kukwanisa kutaura nechikomba dakara pakudhindwa kwenyaya ino.




