67 000 vasungwa

Munyori weKwayedza
MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) anoti asunga vanhu 67 419 mumwedzi miviri nechidimbu yadarika nemhosva dzekutyora mitemo ine chekuita nekuti veruzhinji vambogara kudzimba (lockdown) senzira yekumisa kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Vakawanda vevasungwa ava ndeve muHarare, Manicaland neBulawayo.

Mapurisa anoti vazhinji vevanhu vakasungwa nemhosva dzekungofamba-famba nekusapfeka mamasiki.

Vamwewo vakasungirwa mhosva dzine chekuita nekutengesa kana kunwa doro nezvimwe zvinodhaka, kutyora mitemo yemumigwagwa pamwechete nevaiita mabhizimisi avo vasina magwaro anovatendera kuita izvi uye ruzhinji rwevasungwa ava vakabhadhariswa mafaindi e$500 pamunhu.

Magwaro emapurisa anoratidza kuti muHarare masungwa vanhu 13 554, kuManicaland kune 13 024 kuchiti kuBulawayo kune 12 308.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi vanoti mapurisa ari kusunga vari kutyora mitemo ine chekuita ne”lockdown” uye vacharamba vari mumigwagwa inopinda nekubuda mumaguta nemadhorobha.

Vanoyeuchidza veruzhinji kuti Zimbabwe ichiri padanho rekuti vanhu vagare kudzimba naizvozvo zvakakosha kutevedza zvose zvakananga kurwisa Covid-19.

“Zimbabwe Republic Police inoyeuchidza veruzhinji kuti varambe vachicherechedza zvinokurudzirwa neHurumende pakurwisa Covid-19.

“Mapurisa nemamwe mapoka ezvekuchengetedzwa kwenyika vava padanho repamusoro panyaya dzekuona kuti mitemo iyi yatevedzwa uye anowanikwa achiityora achasungwa,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Vanoti vanhu 173 avo vakadzoka muZimbabwe vachibva kunze kwenyika vakatiza kubva munzvimbo dzinochengeterwa vanenge vapinda munyika vasati varegerwa vachisangana neruzhinji asi 30 vacho vakatosungwa pamwe chete ne155 vaidarika muganho wenyika nechikiribidi.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×