$800 000 yemayunivhesiti nemakoreji

Tandayi Motsi
HURUMENDE yakapa $800 000 kumayunivhesiti nemakoreji akasiyana emunyika muno kuti ange achiita tsvakurudzo pamwe nekuvaka mizinda (innovation hubs) yezvigadzirwa zvinosanganisira zvesainzi nedonzvo rekusimudzira chikamu chezvemichina.

Mashoko aya akataurwa nguva pfupi yadarika negurukota redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandudzwa kwemichina, Professor Amon Murwira, mudare reNational Assembly. Prof Murwira vaipindura mubvunzo wemumiriri weProportional Representation muHarare, Cde Jeniffer Nomsa Mhlanga.

Cde Mhlanga vaida kuziva kana mayunivhesiti nemakoreji emuno aine zvaari kugadzira zvinosimudzira budiriro yenyika kuburikidza nezvidzidzo zvesainzi.

“Nyika inoda kuziva kuti zvikoro zvedu zvepamusoro zvine magwaro here ezvinhu zvazvinenge zvatanga kugadzira (patents)? Kana zvichinge zvinazvo, vane zvipi?

Prof Murwira vanoti bazi ravo rine bandiko rinoona nezvekusimudzirwa kwezvidzidzo zvesainzi reScience and Technology.

“Bandiko iri riri kushanda siku nesikati mukusimudzira zvidzidzo zvesainzi. Takatanga chirongwa chekuvaka mizinda yezvigadzirwa kumayunivhesiti akasiyana nedonzvo rekusimbaradza chikamu chesainzi nekuvandudzwa kwemichina munyika,” vanodaro.

Prof Murwira vanoti vari kutanga kuita chirongwa ichi kumayunivhesiti nemakoreji ari kumativi mana enyika.

“Tiri kutanga nemizinda iyi yema’innovation hubs’ mitanhatu kuUniversity of Zimbabwe, National University of Science and Technology, Harare Institute of Technology, Midlands State University neChinhoyi University of Technology.

“Basa remizinda iri nderekuti vadzidzi vashandise hunyanzvi hwavanenge vadzidza mukugadzira zvakasiyana kuitira kusimudzira maindasitiri. Uku ndiko kunozoitwa basa rekuzivisa anenge atanga kugadzira chimwe chinhu (patenting). Takatopa mari inosvika $800 000 yekutangisa basa iri,” vanodaro Prof Murwira.

Zvakadai, mumiriri weZaka Central mudare iri, Cde Paradzai Chakona, vanoti vanoda kuziva zviri kuitwa nebazi iri mukuchengetedza basa rezvigadzirwa zvemayunivhesiti nemakoreji kuti ruzivo rwacho rwusabiwe.

“Kune mamwe mayunivhesiti ari kutogadzira zvakaita semafuta anozorwa nevanhu vanorarama nehusope ekutanda zuva. Chii chiri kuitwa kuitira kuti basa ravo ringe richichengetedzwa?”

Prof Murwira vanoti bazi ravo riri kukurudzira mayunivhesiti nemakoreji kuti ange achinyoresa zvigadzirwa zvavo zviri pamutemo.

“Tiri kukurudzira mayunivhesiti edu ose kuti anyorese zvigadzirwa zvavo. Tiri kuziva zvakawanda zvavakagadzira. Zvatiri kutaura ndezvekuti mizinda yezvigadzirwa iyi iripo uye pane gwara rinofanira kutevedzwa,” vanodaro.

 

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×