Gadziriro dzekurima gorosi dzoitwa

Muchaneta Chimuka
GADZIRIRO dzekurima gorosi remuchando remwaka wa2018 dzave padanho repamusoro uye Hurumende iri mushishi kushanda nesimba kuitira kuti varimi vawane zvekushandisa nenguva.

Gurukota rinoona nezveminda, kurima nekusimudzirwa kwemadiridziro, Retired Chief Air Marshal Perrance Shiri, vanoti varimi vegorosi vachakurumidza kuwana zvekushandisa mukurima mwaka uno.

“Gadziriro dzemwaka wekurima wa2018 dzava padanho repamusoro uye Hurumende iri kutsvaga zvekushandisa. Tinoda kuona kuti varimi vawana zvekushandisa nenguva zvekuti parizvino chidimu chezvinodiwa mukurima chatovapo saka tangomirira mari shoma,” vanodaro.

Zvisinei, varimi vazhinji vachiri kushushikana kuti mwaka wekurima gorosi wa2018 unogona kukanganiswa nekuda kwekunonoka kukohwehwa kwezvimwe zvirimwa zvemwaka wa2017-18.

Varimi vakawanda vanodyara gorosi mushure mekukohwa zvirimwa zvazvo zvakadai sechibage.

Mutungamiriri wesangano reZimbabwe Commercial Farmers Union, VaWonder Chabikwa, vanotsinhira kuti zvirimwa zvizhinji hazvisati zvatanga kukohwewa.

“Mwaka wekurima wa2017-18 wakanonoka kutanga nekuda kwemvura yakanonokawo kuturuka saka izvi zviri kukanganisa mwaka wekurima mbeu dzemuchando dzakadai segorosi. Varimi vazhinji havana minda yakakura yekuti vafanorima zvirimwa zvemuchando. Zvimwe zvirimwa zvichiri kutobuda maruva uye zvimwe zvichiri zvinyoro,” vanodaro.

Hurumende yakatsidza kuti ichabatsira kambani yeGrain Marketing Board nemichina yekuomesa zvirimwa zvakadai sechibage mwaka uno.

VaChabikwa vanoti chirongwa ichi vanochitambira nemawoko maviri asi michina yekuomesa zvirimwa iyi (driers), inoomesa zvirimwa kubvira pa20 percent kusvika pa12,5 percent bedzi.

VaWonder Chabikwa

“Tiri kutyira zvakare kuti mvura iyi yakanonoka kunaya ichakanganisa chirimwa chegorosi nekuti chinangwa chedu senyika ndechekuona kuti taderedza huwandu hwechikafu chatinotenga kunze kwenyika kuburikidza nekurima chedu pachedu muno. Kuvarimi vaye vane madiridziro neminda yakakura tinoti vanokwanisa kukasika kudyara kuitira kuti vawane goho guru,” vanodaro.

Mwaka wekudyara gorosi unopera nomusi wa15 Chivabvu. Zimbabwe inoda matani 450 000 egorosi gore roga-roga.

 

Related Posts

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×