“HONYE YEMUNHU” naBarbara Makhalisa (43-5)
Nyaya yacho (Enderero mberi):
Vanobvumirana nekunyorerana pasi. Apo anopihwa tsamba yemuchato anoipfuudza kune mukadzi uyo anoigashira achisekerera. Anobva aswedera padyo naMzamo kwava kumutsvoda. Vanobuda vakambundirana ndokuzarurirwa musiwo wemotikari nemumwe wevaperekedzi.
Panongotinhira motokari chete, rufaro rwese rwunopera apo anonzwa mudzimai uya ashanduka oti ngavanange kumba yenhurikidzwa kuti Mzamo anochinja hembe. Zvakabva zvangove pachena kuti amai avo vainge vasisamuoni sechinhu. Pakusvika, anokumura zvipfeko zviya ndokupfeka zvake ndokusvikowana mudzimai akamumirira muminyorododo yaive mumba yokutandarira.
Mudzimai anomuverengera madhora ndokumunyorera bepa rechibvumirano ndokubva aoneka asati ambowana kana kamukana kekuti akumbire mvura yekunwa.
Ari mubhazi kuenda kumba kwake, anofamba achiverenga zviuru nezviuru zvezvinhu zvaaive achakwanisa nemari iyi zvakafanana negejo romudzimai wake, mbesa, kabhodho kokubikira muriwo kaigarochemerwa naamai vevana nezvipfeko zvemudzimai nevana vake.
Iye pachake aida bhasikoro, wairosi nesutu achifunga zvekusazotengesa midziyo yakakosha nepamusaka penjuga nemahachi uyewo nekuzoripa zvikwereti zvese zvevanhu vaingogaromunetsa vachiuya kuzobvunza mari dzavo kumba kwake. Pamusoro pezvo aida kutenga mubhedha mutsva nekuti waainge anawo wainge wasakara.
Panopera zuva Mzamo ava kutotengera madzisahwira hwahwa, kunozosara kwoedza ava kune musikana wake Rozi achimuratidza kuti ane mari zvaamai Sipane zvatokanganikwa nezvazvo. Paanomuka mangwana acho, anoona asara nezana rimwe chete remadhora ndokubva afunga zvekutamba njuga uko akanodyiwa zvisina mukare akamboona.
Zvadai izvi, pfungwa dzamunetsa anofunga zvekuenda kumudzimai waakachata naye achiti murume wake, ane kodzero yekugara naye pamba pake. Kana asingade izvozvo, ochimupa rimwe zana remadhora.
Paanosvikako, anosvikoudzwa kuti vambofamba-famba ndokuzvipira kumirira kusvikira vauya. Apo mukadzi anodzoka ari mumotokari svinu ichityairwa nemunyarikani aityiwa zvikuru, Mzamo ndokuzviona kuti hazvaiita kuti aswedere pedyo, munhu ndiye kunyahwaira achidzokera kumba kwake, kwava kuzofunga zvekuvanyorera tsamba.
Paanoverenga tsamba, mudzimai anofinyamisa kumeso, kwava kuzoseka zvake pave paya. Anopindura Mzamo achiti asvike kumba kwake manheru iwaye ozomuperekedza kwake nemotokari mangwana acho mangwanani.
Apo anosvikapo, anozururirwa gonhi nemumwe wezvapupu zvemukadzi uyu wemuchato, icho chairatidza kutyisa nekusamufarira. Mudzimai wacho akanga agara pachigaro achinonga-nonga magirepisi akaomeswa akasanganiswa nenzungu.
Mudzima uya ndipo paanoburitsa pfuti muhembe dzake Mzamo akavhunduka chaizvo. Nerurimi rwake, mudzimai uyu anotaurira chapupu chiya kuti chibvise tsvina yaive mberi kwake nokuti akanga asingafariri kudeura ropa. Vedu VaMzamo havana kuzoziva kuti vakabuda sei mumba umu.
Akamhanya kusvika asisaoni kwaainge abva ndokusvika kumba kwake achifemereka zvikuru ndokubva azvivharira mumba zvebasa zviya, achiti pamwe chapupu Shumba chiyo chingamuronda chikapaza musiwo chikamudya. Kumba uku chapupu chiya nemukadzi uya vanosara vachipwatika kuseka.
Zvaitika izvi zvinoita kuti Mzamo afunge zvekuenda kumusha kunopira midzimu nekupunyuka rufu kwaainge aita. Amai Sipane vanoshamisika vachiona murume wavo achisvika pamba nguva yavaisafungira. Mudzimai anomutsvagira zvimukuyu zvaigara zvakachengeterwa musi unenge wasvika vaenzi, murume ndokuti nyama yavo yakanaka yavakamupa yakasvikoora kusara honye.
Murume ari kutaura achiona honye yemukadzi ichimunyenamira, Shumba (chapupu chiya) ichiwomba iyo anoona yakafanira kuzunzirwa pasi yotswanywa, kana kuendeswa kumapurisa asi iye akadya mazana mashanu emadhora saka angavewo honye here. Ko, mudzimai wake anoti kudini kana anzwa kuti abuda achitiza munhukadzi.
Anozopeputswa nezwi remudzimai richimubvunza kuti ari kurwara here zvaasingapinduri abvunzwa.
(Enderero mberi svondo rinouya.)



