CHITSAUKO 10 (Nyaya yacho: Enderero mberi)
Vawana mari, vanobva vangonyangarika vonanga Bulawayo uko vachanosvika mukupindira mubhangi remari. Chavanoda chete kungotsvaka avo vanogona kuvawanisa pfuti. Vapedza izvi, vanodzoka kupfambi dzavo kwava kudzitaurira zano ravo. Fadza anovapa mazana mana emadhora ekuti vagozopa vakomana vainzi vaizonoita basa. Usiku uhwu vana Robby vanoramba zvehwahwa.
ONGORORO:
Muchitsauko ichi tinodzidza nezvevanhu nemaitiro aRobby naRoddy. Tinodzidza kuti varume vaviri ava imbavha dzemakoko. Tinotanga nekunzwa Roddy achiti, “Asi vakadzi ava vakarara haikona, vari kutiona sevanhu vanosevenza nhai?” (127) tozonzwa zvotaurwa nemunyori achiti, “Varume ava vaive vasina kumbosevenza muupenyu hwavo, kukura kwose vaingoba. Vaive vakurira mudunhu rimwe chete.
Kuchikoro vainge vadzingwa vabatwa vachiedza kupwanya hofisi yaigara mari yechikoro. Kungodzingwa kwavakaita kuchikoro, vakangopinda mudhorobha vachiba. Basa ravo iri vairiziva. Vaive vaita mhosva dzakawandisa vasingabatwi. Vaiwanzoba kudzimba dzavaRungu kwavaiziva kuti kune mari. Vaive vasingafariri mhosva dzeganyabvu” (128).
Nekudaro muverengi anogona kunzwisisa pfungwa yavo yekuti vadhinikana navanaFadza naSekai saka vanoda vavabira vobva vanyangarika. Vaenda Bulawayo uku vachanopara mhosva hombe dzekuba vakapakata pfuti. Hutsotsi hwavo hunoonekwa pakuti vanonyepera vana Fadza kuti kune vakomana vachaita basa iri asi vari ivo vachariita. Dzimwe nzira dzavaishandisa pakuba nadzo dzinoonekwa papeji 128.
Tinodzidza zvimwe maererano naRobby. Zvinonzi murume uyu “aive ari munhu asingafariri kudzokorora zano muupenyu hwavo hweumbavha” (127). Tinoudzwawo kuti Fadza ainge ari munhu “akachenjeresa” (129). Tinomuona aruka rungano rwekuti anotaurira vanaRoddy maererano nenzira yekunotora mari kumba kwaMugadzi.
Fadza nehuchenjeri hwake, anoruka zano rekuti mari inotorwa. Tinoona zano iri richichechenywa papeji 122 apo anoti, “Tinongovaudza kuti mari yacho ndeyedu tese tiri vana. Kana tazowana mari iyi tinoitora tochengeta. Tinombodya yatiinayo mumabhanga navo. Kana taona kuti tadya yavanogutsikana nayo tinovaudza kuti mari yapera ivo kana vazonyumwa ndezvavo.
Kumapurisa havaende nokuti vanenge vachitya kuti tinozovaburitsa pachena kuti ndivo vakanoba mari yacho kana vakada zvekutirova tinongovatsvagira matsotsi chete vogadziriswa”.
Maitikiro ezvinhu anoburitswa nekushandiswa kunoitwa enzaniso. Kuuya kunoita vanhu kuzonwa hwahwa pamba paFadza kunotsanangurwa kuchinzi vanhu vakatanga kuuya “kunge zvinonzi vaive varidzirwa bhera” (122).
Manwirwo aiitwa iko kangopisa kaiita zvekubheurwa izvo zvinonzi kainwiwa “kunge kanodirwa mumugoro” (123). Ndokusaka nenguva isipi Fadza ainge ava kutadza kugara zvakanaka, iyewo Sekai ndokubva arara pasofa ipapo munhu ndokuzoitwa zvekusimudzwa achiendeswa muimba yairara Irene asingazivi kuti kuno kune chii. Vanhu vose hapana akazoziva kuti vaive vanorara sei.
Roddy naRobby apo vainge vachienda kudhorobha, motokari yainge ichimhanyiswa zvekusiya mhepo izvo zvinonzi yaimhanyiswa zvokuti dzimwe dzavaipindira “dzainge dzakamira” (126). Apo vanenge vari mumba maFadza vataura nezvenyaya yekunotora mari kumba kwaMugadzi, mumba umu mainge mune mufaro wekubata denga rechinomwe chairo izvo zvinonzi mufaro wakaswera uri pamba apa “wainge wevanhu vatanga kuonana musi uyu” (129). Kudimikira kunove kushoma chaizvo potsei kutoshaikwa zvachose. Kwatinoona kunotiratidza kupfidziswa kunenge kwaitwa Mugadzi apo zvinonzi, “Mugadzi atowira mudhishi” (126). Robby anofunga zvekumboenda nemari kuna Fadza “tozovatamba dzakaora manje” (129).



