A-LEVEL — MUBAIRO: George aperezeka muviri

CHITSAUKO 16 (Nyaya yacho)
Mangwana acho Mai Chimanga vanofunga zvekudzokera kuChiweshe izvo zvinoshamisa George asi hapana zvaangaiita.

Muchembere asvika anonyorera tsamba kumunin’ina wavo vachimunyeurira nezveutano hwaGeorge, zvavakaona kumusha ikoko nezvakaitika. Vari kurwadziwa zvikuru nekuti Goerge ari kunetswa nehama dzake.

ONGORORO
Ichi chinove chitsauko chakapfupikisa kukunda zvimwe zviri mubhuku iri asi muhudiki hwacho pane zvatinodzidza.
Mai Chimanga vanotanga mutsamba mavo nekudimikira apo vanoda kunyeurira munin’ina wavo maererano nezvavakaona kumusha vachiti, “Ndati ndikurume nzeve” (62) vozodimikira zvakare vachiti unyope hwaMatake naKamukombe hwainge hwatodzika midzi vachiti, “. . . unyope hwavo hwatomera nyanga” (62).

Vanoenderera mberi vachiratidza kuti mudzimai waGeorge ainge asina mhosva vachiti, “kana kadonhwe katema paari” (62) vozopedzisira mundima imwe chete vachidimikira vachiti “kunyangwe akasikirwa moto muziso” (62) zvichireva kuti kupinzwa uko mai vaYeukai mumatambudziko makuru nemurume wavo.

Nayo hondo yekudimikira iyi vanoti nayo vachida kutiratidza kuti mumusha make mave nezvisina kunaka apo vanoti, “. . . musha wedu wapinda mhepo” (63) vozopedzisira vachida kutiratidza kuti vainge vakasimba zvachose apo vanoti, “. . . ini ndakasunga mwoyo newaya” (63). Munyori ndiye atangana nenyaya yekudimikira apo paPeji 62 anoda kutiratidza kuti Mai Chimanga vaipinduka pakuvata kwete pakutaura apo zvinonzi George aiziva kuti hanzvadzi yake “yaive mutandawachingama” (62).

Zvinhu zvatinodzidza maererano netsika nemaitiro aGeorge naMatake naKamukombe zvinoti “nomurume George wake anodisa zvipenzi kunge vana vake” (62) nekutizve “George chinyerere chidadiso chedu . . .” (62).

Maererano nemadzikoma ake tinonzwa Mai Chimanga vachiti, “Unongozivawo kuti anaMakate itsimbe dzemakoko” (62).

Pakutsanangura kwavanoita madzimai aMakate naKamukombe vanoti madzimai maviri aya aiswera achitevedzera mudzimai vaGeorge “semumvuri kunge vakaparikana naye” (62).

CHITSAUKO 17 (Nyaya yacho)
Muviri waGeorge unoperezeka nekuzvitongesa mazuva ose.

Musi wesvondo nemhuri yake vachangopedza kudya chirariro, mai vaTichaona vanosvika ndokuvaudza kuti vainge vaenda kumabiko ekupemberera imba itsva yainge yakatengwa nasekuru vavo kuMufakose uko vakadhumana namai Nyasha muroora mudzimai wehanzvadzi yaamai Yeukai uyo ainge avapa kapasuru netsamba yaive mukati kuti anovapa.

Mutsamba umu vanoudzwa kuti vakange vaenda kunoshanya kunze kwenyika kwavakanowanikidza shangu dzechisikana dzaive nemutengo wakaderera dzainge dziri dzemberi chaizvo dzainyatsoonekwa kuti dzainge dzisiri dzenyika ino uyewo dzakabva dzanyatsa kugara Hazvinei apo akadzipfeka.

Yeukai anokumbira amai vake kuti agoenda nadzo kuchikoro mangwana acho asi mai wake vanoramba vachiti kuchikoro hakusi kwekuratidza umbozha kana urombo saka kwaipfekwa nguo dzakafanana.

Mwanasikana anotadza kuwana hope usiku ihwohwo pfungwa dziri kupishana maererano neshangu itsva idzodzo.

ONGORORO
Hapana zvizhinji zvatinonyanyoona zvekuti tiongorore asi chatinoona kudzokororwa kunoitwa kudimikira.

Baba vaTichaona vainge vasingadi zvekuti rwendo rwamuka ipapo vobva varupinda.

PaPeji 58 tanzwa amai Chimanga vachidimikira mumakumbo nekuti vainge vanzwa naMiriam kuti George aigaronzwa musoro nekudaro rwendo urwu vainge vasina kurwugadzirira.

PaPeji 64 tava kunzwa zvakare kuti baba vaTichaona vainge vasingafariri zvekuti rwendo rwamuka chiriporipotyo vobva vati pindirikiti marwuri apa mudzimai wavo anodimikira zvakare achiti, “. . . ivo ndokuramba vachiti rwendo rwetsuro yamukira mumakumbo” (64) havangarukwanise.

Tinoonawo kuti chitsauko ichi chinongove mapeji maviri chete.

 

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×