Muchaneta Chimuka
VARIMI vane chitsama nevadzidzi vekumakoreji ezvekurima nomusi weChitatu vakashanyira purazi remumwe murume wekuArcturus, mudunhu reGoromonzi, uyo ari kuita mashura nezviratidzo mukurima hanyanisi, madomasi, makarotsi, nyemba, mbatatisi nezvimwe.
Vanhu ava vakaungana papurazi raVaCharles Nyandoro pazuva rekumema minda, pasi pehurongwa hwakakotsverwa nekambani yeSeed Co.
VaNyandoro vakarima hekita imwe chete yehanyanisi, chikamu chehekita chemakarotsi, makabichi nepizi. Vari kutarisira kukohwa matani makumi masere ehanyanisi, misoro yemakabichi inosvika 30 000, matani emakarotsi nematani manomwe epizi.
VaNyandoro murimi ane unyanzvi uye ruzivo rwemakore gumi.
Vanosimudzira misika yemuno neyokunze.
Vanhu vanouya kuzohodha zvirimwa zvavo, vozonozvitengesa mumisika nezvitoro zvakatsaukana, zvinova zvinofambirana nemuono wenyika webudiriro, weNational Development Strategy 2 uye Vision 2030, yekuve upper middle income society.
“Ndakatanga rwendo urwu muna 2024, uye ndiri kuwana chouviri. Ini ndinotengesa zvimwe zvezvirimwa zvangu kuMozambique. Miriwo nemichero zvagara zviine vanhu vanoda kuzvitenga zuva nezuva; nokudaro, ibhizimusi rinobhadhara zvokuti munhu wose anofanira kuriita, chero kutotanga nekurima bindu diki pamba. Zvinotofamba,” vanodaro.
VaNyandoro ndemumwe wevarimi vari kutsigira zvirongwa zveHurumende nekuona kuti nyika yaita maguta kuburikidza nekurima kwavari kuita zvine unyanzvi papurazi pavo uye vanoshandisa madiridziro.
“Kushaikwa kwemari yekutsigira bhizimusi rangu ndiro dambudziko. Zvisinei, ndiri kushandisa purofiti yangu mukutenga zvimwe zvekushandisa. Ndine mahekita 10,5 andakarima mbatatisi, ndikadzitengesa, ndokuwana US$250 000 kubva pachirimwa ichi.
“Vatengesi vepaMbare Musika ndivo vatengi vangu vakuru. Gore rino ndakarima mahekira 10.5 emakabichi, andakatengesera makasitoma ekuMbare neMozambique, ndikabura US$100 000,” vanodaro.
Vanoti kuburukikidza nekurima uku, zvinhu zvihombe zvavakabura zvinosanganisira tarakita, disk harrow, potato lifter neridger, midziyo yekutara mitsara pakudyara nemuchina wekudyarisa.
“Ndinotarisira kuwedzera mabhindauko angu kuti nditenge mimwe michina yekurimisa yakadai seMonosem planter uye roller ripper.”

Urongwa hwemadiridziro hwavanahwo, vachishandisa mvura inobva mudhamu riri munharaunda iyi, hunoita kuti vave nemukana wekurima kwegore rose.
“Dambudziko rezvirwere zvinobata zvirimwa rinombotishungurudza asi tinoshandisa mishonga kuzvirwisa; kunyangwe masora tinoaparadza nemishonga,” vanowedzera.
Vanotsanangura kuti pavakatanga kuita mabasa ekurima aya, makore maviri apfuura, vaitozvitora sedambe kana kuti zvinhu zvinovavaraidza bedzi asi vakazova nemuono wemari, vachibva vatanga kutora basa iri sebhizimusi.
“Ndiri kutozvigadzirira penjeni yangu ndiri kuno kuminda, saka handisi kuzoona mhuri yangu ichitambura. Kutaura chokwadi, muvhu mune mari. Ndicharamba ndichivandudza mabasa ekurima ndichishandisa ruzivo rwatinopihwa nemadhumeni uye nyanzvi dzinoona nezvekuuchikwa kwembeu. Zvichitevera kusanduka kuri kuita mamiriro okunze, apo nzara huru iri kutarisirwa mumwaka wekurima wa2026/2027, ndiri kuona tichiikunda tikaramba tichisimbaradza zvirongwa zvemadiridziro,” vanodaro.
VaBrian Nyandoro, vanove product development officer kuSeed Co, vanoti varimi vanofanira kutevedzera mazanao avenenge vapiwa pakudyara nekuisa mishonga kuitira kuti vasarasikirwe nemisika yemuno neyokunze.
Vanokurudzira varimi kuti vashandise mhando dzembeu dzemwaka mupfupi zvichitevera kushanduka kwemamiriro okunze uye kusanaya kwemvura nokuda kweEl Niño.
Professor Garry Burniske, assistant director veprogramme development paPurdue University, kuUnited States, avo vaive muenzi mukuru pachirongwa ichi, vanoti vakafadzwa zvikuru nevarimi vemuZimbabwe. Vanotizve zvirimwa zvavo zvine mikana yakakura yekupinda mumisika mikuru.
“Ndinofara nekurima kwamuri kuita zvirimwa zvakasiyana-siyana zvakaita semuriwo, mabanana, madomasi, mbatatisi, nyemba nebhinzi. Ndakapinda mumisika yekuMbare ndikaona zvirimwa zviri kutengeswa nevarimi zvinoyevedza. Ndinovimba kuti Zimbabwe ine mikana yekutengesa zvirimwa zvayo kune dzimwe nyika ichiita mari zhinji. Paya pamunoisa mishonga muzvirimwa, tevedzai zvipimo zvakatarwa uye kuziva mazuva ainopera kushanda kuitira kuti zvikwanise kuenda kumisika. Mishonga yose yezvirimwa inobatwa nemitemo yenyika kuti isave njodzi kuvanhu vanoishandisa uye vanodya zvirimwa zvinenge zvafiritwa,” vanodaro.
Mai Wendy Madzura, vanova Seed Co group head of agronomy — Africa, vanoti kambani yavo yakabura mbeu dzehanyanisi dzinotirira zvirwere uye kurarama muzuva. Dzinosanganisira Chelsea; Franabe; Soberana; neShani, inova hanyanisi tsvuku inofarirwa zvikuru mumisika.
“Tine mbeu dzakawanda dzezvirimwa zvakasiyana-siyana dzatakauchika dzinofambirana nekusanduka kuri kuita mwaka. Hatidi kuti varimi varasikirwe negoho nokuti mvura haina kunyatsonaya. Mbeu dzedu dzinofambirana nematunhu akasiyana nemanairo anoitawo mvura. Chinangwa chikuru ndechokuti nyika iite maguta,” anodaro.




