Tendai Vambe
MURUME ane makore 91 okuberekwa akapiwa gwaro rekumudzivirira kubva kumhirizhonga inokonzerwa nemwanakomana wake, waakapomera mhosva dzekumushungurudza, kumurova, pamwe nekutyisidzira kumudzinga pamba pake.
Nyaya iyi yakanzwikwa muMutare Civil Court, umo mutongi wemhosva Muzvare Sarah Kanyenze vakapa gwaro redziviriro kuna VaMorgious Jenya (91). Izvi zvakaitika zvichitevera kupomerwa kwemwanakomana uyu, Morgan Jenya, mhosva dzekugara achivarova, kuvatuka, pamwe nekuvatyisidzira.
Achipa umboo pamberi pedare, murume mukuru uyu akati mwanakomana wake akanga oita tsika dzekuramba achimushungurudza, uye achiwedzera kuva nehasha noutsinye kwaari.
“Mwanakomana wangu anondipomera mhosva, kundidzipa uye anoedza kundidzinga kubva mumba mangu,” vakadaro VaJenya.
Vakati zvinhu zvakanyanya kuipa mushure mokunge mwanakomana wavo aita matambudziko ane chokuita newanano yake, ndokubva adzoka kumba kwemhuri.
“Mwanakomana wangu achangobva kuita bopoto kumba kwake kwemuchato, akati haachadi kugara nemudzimai wake, anoda kuparadzana naye. Kubva ipapo, ndave kutambura nokuda kwekushungurudzwa naye, uye handichakwanisi kuramba ndakatsungirira,” vakadaro.
Mukuru uyu akati haachadi kugara mumba mumwe chete nemwanakomana wake nokuda kwemaitiro ake anorondedzerwa seemhirizhonga nekusaremekedza.
“Handichada kugara naye zvachose nokuda kwemabatiro aanondiita. Anofanira kudzokera kumudzimai wake kunogadzirisa matambudziko avo murunyararo. Anondituka uye haaratidzi ruremekedzo kwandiri sababa vake,” vakadaro.
Zvakadaro, Morgan akapikisa chikumbiro ichi (gwaro redziviriro), achiti akabatwa zvisina kunaka nenhengo dzemhuri paakadzoka kumba.
“Pandakadzoka kumba, ndaitarisira kugamuchirwa nemufaro, asi panzvimbo pezvo, ndakanzwa kutyisidzirwa. Ndakatotizira mukamuri mangu, ndikazvikiyiramo,” akadaro.
“Baba vangu havana kundibatsira nekundipa mazano pandakanga ndiine matambudziko emumba nemudzimai wangu,” akadaro Morgan.
Mukutonga kwavo, Muzvare Kanyenze vakati matambudziko emuwanano aMorgan pamwe nekushungurudzika kwake zvaisagona kuva chikonzero chekutambudza, kutyisidzira kana kubata zvisina kunaka baba vake, avo vakwegura.
Vakapa gwaro redziviriro kuitira kuchengetedza VaJenya, uye vakaraira Morgan kuti asavashungurudze, kuvarova, kuvatyisidzira kana kuedza kumanikidza baba vake kubuda pamba pemhuri.
Dare rakaraira kuti gwaro redziviriro iri rirambe richishanda kwemakore mashanu.




