CHITSAUKO 15 (Ongororo: Enderero mberi)
Tinozonzwa munyori ava kudimikira achiti, “Manzuma yakatanga kutukudza kuti ipoye mudanga.” Rudo anoona kuti zvinhu zvaipa munhu kwava kuti regai nditi zibhachu rangu kwandi kuti nhumbu irege kuonekwa. Kudimikira kunoenderera mberi zvichinzi, “Manzuma, iyo ikati vanaRudo muchiri vadzidzi vetsambo, ini Manzuma zvokupoya izvi ndakazvitangira Guruuswa chaiko, nyika ichangovamba.”
Aona kuti zvadai, Rudo akati iye zvokufamba panze haachadi “tione kuti unotutira ani iwe nhuta mandiri.” Rudo anokanganwa kuti Rebina ndiye aimupa zvekudya nekumuitira zvimwe zvose ndokubva aona kuti “Rudo akanga ari kututwa nenhuta” munhu ndiye twasa akananga kuna Mufundisi Lovedale kunomhan’ara zvaaive ava kufungidzira.
Rudo paanopinda mumwedzi waZvita uchinopera anozviona kuti haasisina kumira zvakanaka izvo zvinodimikirwa zvichinzi “akaona kuti akanga adarika mwedzi” (81). Pavanogara naRudo vachiona kuti pane zvaari kuvharidzira, mumwe nemumwe pakati paRudo naRebina anotanga kuedza “kutungidza mwenje wechifungidziro murima guru rekusaziva zvichauya” rakanga ravapo.
Rebina apo anouya nedhishi remvura kuzopa Rudo, mapindurirwo aanoitwa naRudo anobva aita kuti akaramba achipindura angarohwe, munhu ndokunyarara kana kuti “akabva asona muromo wake” (86).
Enzaniso tinosanganawo nadzo. Rudo maitiro ake pakudya anoratidza kushanduka chaizvo. Mazuva aya kudya kwacho kwainge kusina kunyatsa kutsarukana, munhu ava kungodya “somuroora mutsva” (82). Musi uyo Rebina anouya nezvokudya kwava kuzviisa pamberi paRudo naMufundisi Lovedale, Rudo akaita “seachatadza kumedza kana huro imwe chete zvayo” (83).
Panotanga kutuka nekushoropodza Rebina mazuva aya Rudo achenuruka “kunge munhu ava kutandadza” musoro wake uchigara uchingobvorongana “semvura yebopopo” (85). Zibhokisi iro Rudo anorongedzera mbatya dzake rainge rakasvikira “soruswiswi” (86) iro vhudzi rake raive riri upepe “kunge romurungu kureba” (86).
Maererano naMufundisi Lovedale tinodzidziswa kuti murume uyu haana kuvhunduka apo akanzwa nezvekuve nemimba kwaRudo “nokuti vaivimba naRudo”. Kuzoti kana ari iye Rebina wacho, tinodzidza kuti munhukadzi uyu “aiva musikana akashinga somurume” (87).
Munhu kana uri mugwara rakanaka uchiita zvakanaka, hapana chaunotya kana pane chakaipa chinenge chataurwa. Mufundisi Lovedale sokuona kwavo, Rudo ainge akura ari mugwara rakanaka zvekuti vainge vachitarisira kuti acharoorwa zvakanaka munzira yechiKristu. Ndokusaka vachidoma tsumo inoti, “Handiti zvinonzi chakura chinotamba chichiringa kwacho” (84).
Zvinhu zveupenyu zvinogara zvichishanduka nekudaro munhu unofanira kugamuchira zvose zvinouya muupenyu. Mufundisi Lovedale vanosimbisa pfungwa iyi nekudoma tsumo inoti, “Zioneramunzira, kutiza mukumbo wezhizha” (86).
CHITSAUKO 19 (Nyaya yacho):
Apa Rudo anokwira bhazi, Mufundisi Lovedale naRebina vanosara vari mukati mekupfunha, vanhu ndokusdimudzirana mawoko. Bhazi rakatsvikinyidzana nevanhu, Rudo ndokupihwa pokugara nemumwe mukomana ainge akapfeka bhureza rechikoro dzvuku. Mutyairi webhazi anoritsika mafuta zvechokwadi bhazi risingaoni pane kona varume vechidiki vachitoimba vachikurudzira kuti mutyairi awedzera mafuta.
Bhazi rinombomira paNharira richinwa dhiziri ndokubva razonanga Chivhumudhara. Mumwe mukomana anonzi Ozius Marere anotanga kutaura naRudo uyo anopindura nejinyu. Ozius ari kuda kuedza kusvitsa shoko rerudo.
Vasvika paMvuma, bhazi rinomira ndokubva pauya mumwe musikana wechizvinozvino uyo anosvikombundikira Ozius achimuti mudiwa wauya. Musikana uyu anobva aziva Rudo sezvo vainge vakapinda chikoro vese, ndokumukwazisa.
Musikana uyu Susana anotaurira Rudo zvose zveupenyu hwake nezvaakaitirwa naOzius.
(Enderero mberi svondo rinouya.)



