Vadzidzi makumi maviri vakapihwa mabhezari

VADZIDZI vanosvika 20 vemuZimbabwe vakaita rombo rakanaka nguva yadarika apo vakawana mukana wekupihwa mabhezari ekunodzidza kuUnited Kingdom pasi pechirongwa cheChevening Scholarships icho chinotsigirwa nenyika iyi.

Vachitaura pakupa mabhezari kuvadzidzi ava muHarare, mumiriri weBritain muZimbabwe, Ambassador Catriona Laing, vakati vachanoita zvidzidzo zvakaita sezvemutemo, kutapa nhau, utano nezvemari.

“Gore rapera takapa vadzidzi vana chete mabhezari asi gore rino tapa 20 nekuona kuti dzidzo yakakosha, inoda kusimudzirwa,” vakadaro.

“Tine tarisiro yekuti vadzidzi ava vachadzoka vave neruzivo rwekusimudzira upfumi hwenyika vachiratidza hunyanzvi hwemabasa avanenge vadzidziswa kunze kwenyika nekuzodzidzisawo vamwe.”

Zimbabwe ine vanhu vakabudirira zvikuru vane chitsama avo vakadzidza pasi pechirongwa cheChevening Scholarships.

Chirongwa ichi chakatanga mugore ra1983 nedonzvo rekuti vadzidzi vazove shangwiti dzinosimudzira fundo yavo uye kubatsira vadzidzi vemunyika dzinosvika 162 pasi rose.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×