A-LEVEL — PAFUNGE: Joe anobvunzurudza Rudo nezvemapiritsi

Ticha Tichaziva
CHITSAUKO 20 (Nyaya yacho: Enderero mberi)
Iyi ndiyo tsamba yakaverengwa naRudo apo ainge agere nemurume wake mudhorobha reGweru aine pamuviri paJoe. Tsamba iyi inotanga kumupaza musoro akazova nepfungwa yekuti atsivewo chete. Chinonyanyisa kuti afunge kuita izvi matauriro emurume wake apo akamutaudza nezveakanga anyora tsamba iyi.

ONGORORO:
Tsamba yakanyorwa naAnnatoria, yakazara nekugumbuka, kutambudzika nenhamo zvakakomba zvekuti muverengi anobva azadzwa nekunzwira urombo munyori wayo.

Izvi zvinogona kuitika nepamusana pekushandiswa kunoitwa kudimikira nemunyori.
Ratinotanga kusanga naro rinobva raita kuti tione kuti munyori wetsamba iyi ari kurwadzikana zvakadini. Tinonzwa achiti, “Kubva wandidyisira munda nembwa uchidaro, wakaoma!” (99).

Turikavhunduko (exclamation mark) inoshandiswa inobva yapamhidzirawo kurwadzikana uku. Munyori anobvuma zvake kuti kunyangwe zvonetsa zvakadini “kana muguva mune hari ndimo mandichandokubikira kana uchinge wandiramba” (98).

Asi mwana achazvarwa uyu ndiye asikirirwa nhamo huru kana kuti, “ndiye watava kukuvurira nhaka yamatambudziko” (98) uyewo ndiye wavari “kusungirira mumuti wenhamo vachishandisa gashu rokushushikana” (98).

Annatoria agumbuka zvikuru zvekuti anosvika pakushevedza Josiah achimuti, “Ndiwe nyoka yomunhu” (100). Mwana uyu achazoponwa, vachamupinza mumatambudziko akazanirana nekuti vachamusungirira “mukwende wenhamo pamafudzi iye asati ambozviva kuti nhamo chinyi” (100).

Tsumo inopamhadzira mukuratidza kutambudzika uku. Josiah agona kuitira zvakaipa kuna Annatoria asi nerimwe zuva achazowana mumwe achagona kumuitirawo zvakaipa. Saka munyori wetsamba achiti, “. . . gona una gona wakewo” (100).
Enzaniso, kunyangwe tasanganidzana neimwe chete, iri kuwedzerewo mukutambudzika uko.

Tinobva tanyatsa kuona kuti Annatoria akatambudzwa zvisina mukare akamboona apo tinonzwa achiti Josiah akaumuremadza ndokumurasa “seganda renzungu” (100).

CHITSAUKO 21 (Nyaya yacho):
Kugara kwose kwanoita nemurume wake muGweru zvinhu zvichiri nani, Rudo anotambudzika asi anotya kushandisa mapiritsi ekukotsirisa aya, ayo ainge apihwa naMai Kamunda achitya kuti amai ava vange vamuudza kuti munhu ukatadza kuashandisa, waibva wakotsira zvachose. Musi waanoverenga tsamba yaamai vake, anofunga zvekunwa mapiritsi maviri kuti agone kukotsira.

Anoburitsa kabhodhoro Joe achiona ndokuisa mvura mukapu. Joe anobvunza kuti mapiritsi echiiko iwayo ndokutanga kumunonota achiti ipfambi inotambudzika nekutsvaga mapiritsi ekuti arege kuzvara.

Paanonzi anopenga here anopindura achiti aiwa baba izvo zvinoita kuti Joe amupopotere achiti ndibaba vake here kana achimuti baba achamurambisa nevasikana vasina nhumbu saRudo.

Anobvunzazve kuti mapiritsi aya ndeechii Rudo ndokuti mapiritsi okukotsirisa kana munhu achishayiwa hope ndokumuudza kuti deno aiziva zvakaitika angadai achiziva kuti ana vana vaviri mumba imomo.

(Enderero mberi svondo rinouya.)

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×