Hurongwa hwemari dzemazamanishoni

HURUMENDE inoti vabereki vave kubvumidzwa kubhadhara mari yekuti vana vavo vakwanise kunyora bvunzo pashoma nepashoma nechinangwa chekuda kuenzanisa kodzero yedzidzo kumwana nemamiriro akaita nyaya dzeupfumi munyika. Hurongwa hutsva hwekubhadhara mari uhu hunotarisirwa kubatsira vabereki zvikuru sezvo huchiita kuti vakwanise kubhadhara mari dzemazamanishoni kwenguva yakati rebei.
Zvikoro zvakatotanga kuzivisa vabereki nezvehurongwa uhu.

Gwaro rakaratidzwa kuvabereki nezvimwe zvikoro zviri muHarare rinoti: “Takaziviswa kuti dare reCabinet rakabvumidza kuti mari yebvunzo yeavo pari zvino vari Form 3 ne4 inge ichibhadharwa pashoma nepashoma. Izvi zvinoreva kuti mari iyi inokwanisa kunge ichitanga kubviswa iye zvino. Zvakadaro, hakuna mari inove chidimbu cheinofanirwa kubhadharirwa chidzidzo chimwe chete ichatambirwa”. Gwaro iri rinoti zvakare avo vanoda kubhadhara mari iyi pashoma nepashoma vanogona kubhadhara yekunyora chidzidzo chimwe chete cheA-Level kana zviviri zveO-Level.

Mari yakatarwa kubhadharwa pakunyora chidzidzo chimwe chete cheA-Level gore rino i$26, imwe inotutsirwa pamusoro pakunyora zvidzidzo zvakaita seAgriculture neBiology iri $17. Mari yakatarwa pakunyora chidzidzo chimwe chete paO-Level i$15 uye inotutsirwa pabvunzo dzekunyora zvidzidzo zvemabasa emawoko i$15.

Pabvunzo dzeGrade 7, vabereki vanokwanisa kutanga kubhadhara mari yekunyora mazamanishoni patemu yechipiri apo mwana anenge ari muGrade 6.

Gurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, vakatsinhira nezvehurongwa hutsva uhu.
Vakati vose vari Grade 7 vakange vabhadharirwa mari yavo yekunyora bvunzo pachishandiswa nzira iyi.

Dr Dokora vakati zvakare vadzidzi vanoshaya, avo vanobatsirwa nemari yechikoro pasi pechirongwa cheBasic Education Assistance Module (Beam), vakabhadharirwawo.

Dr Dokora vakaramba mashoko ari kutaurwa nevamwe ekuti bvunzo dzeGrade 7 neO-Level dzibviswe vachiti dzakakosha zvikuru. – The Herald.

Related Posts

‘Ndiri kuda kudya nyama yemunhu’

Kingstone Mapupu MWANASIKANA ane makore 21 okuberekwa anobva kwaSabhuku Mugugu, mudunhu raMambo Zvimba, kwaZvimba, anonzi atambudzwa nemweya wave nemakore matatu uchisvika paari, uchitaura kuti unoda kudya nyama yemunhu. Mwanasikana uyu…

‘Hondo’ yekurwisa kutorwa kwezvinodhaka yakora muto

Munyori weKwayedza ZVINODHAKA nezvimwe zvisingatenderwi zvinokosha ZiG80 miriyoni zvakatorwa kubva kune vanozvitengesa panguva iyo Hurumende iri kusimbaradza nyaya yekurwisa dambudziko iri, Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro Dr Zhemu Soda vanodaro.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *