CHITSAUKO 22 (Nyaya yacho: Enderero mberi)
VaMasango vari kufumura nekushwetaidza mudzimai wavo vachiti vakabvisa mari yekuroora zvino mudzimai uyu haadi kuvateerera.
Mai Masango vanosvitswa kutsime vachipopoterwa nemaroorerwo avakaitwa, murume achiyambira Michael Gumbo, chimwe chikomana chaive nechirimi, kuti chisambofa zvacho charoora.
Mukadzi mukuru audzwa kuti haachadiwa anotsidza nechemumwoyo kuti achaenda kumapurisa kunomhan’arira matsotsi aya usiku ihwohwo. Kupopotedzana uku kunosvika pakati pousiku, vanhu ndokuzorara zvavo kwave kuda kuedza.
VaMasango vanokotsira asi Michael akasvinura. Ndipo anoona mudzimai waVaMasango achibuda panze kwava kumubvunza kuti ari kuenda kupi.
Mudzimai anomupindura achiti munhu anorega kubuda panze here, mabhanditi akabvumidzwa wani. Kwati perei nguva yakareba, Michael anonzwa mutsindo panze ndokufunga kuti zvimwe ndiMai Masango. Ndipo paanozoona inga vauya nemapurisa maviri.
Mangwanani emusi unotevera, vana Winnie, Chiedza naMufundisi Lovedale vanofumogadzirirwa putugadzike naMufundisi Makuni vachitaura nezvaRudo. Mufundisi Makuni vanovimba kuti Joe aizivikanwa kwazvo haasi iye murume waRudo. Winnie ainge akambovaudza kuti hanzvadzi yomurume wake yaimuziva.
Vasati vapedza muromo uyu, panobva papfuura mukomana aitengesa mapepanhau ndokubva vati kutengwe bepanhau.
Mazita anogona kufanana saka kana vapedza kuverenga bepanhau vachaenda kuMutapa kuti vanonyatsobata chokwadi. Mufundisi Lovedale ndivo vanozoverenga zviri mubepanhau riri kutaura nezvekusungwa kwevatatu, kuwanikwa kwechitunha chaJoe Rug vobva vaziva kuti mukadzi akanga asungwa aive Rudo.
Vose vanobva vapinda mumotokari yaMufundisi Lovedale ndokunanga kwaigara Rudo pasina anombotaudza mumwe, pfungwa dzavo dziri pamatambudziko ainge apinda Rudo.
ONGORORO:
Nyaya yava kupenenguka. Tava kuona dingindira riya rokuti vapari vemhosva vanosungwa vasina kupara mhosva vachisiiwa vakadaro (poetic justice). Matsotsi anosungwa, Joe achifa. Tichaona kuti kuna Rudo chii chichaitika.
Tinodzidzawo nezvemaonero evadzimai vavakaroora kunoitwa nevamwe varume sekumirirwa kwazvinoitwa naVaMasango (men’s attitude towards the women they married to as epitomized or symbolized by Mr Masango).
Papeji 108 murume uyu anonyatsa kutitaurira pfungwa dzake. Izvi zvinoshatirisa mudzimai wake zvokuti anobva afunga zvekuenda kumapurisa kunomhangara usiku ihwohwo.
Pfungwa dzaVaMasango dzinonyatsa kubuditswa nekushandiswa kunoitwa kudimikira neenzaniso. Vanoyambira Michael kuti asatambudzika zvake maererano nenyaya yekuroora iyi sezvo vanhukadzi vakawanda chaizvo vari saraude izvo vanodimikira vachiti, “Ivo vakadzi vakati mavhu nemarara kudai?” (108).
Sekuona kwavo vakuwasha vanoripiswa mari yakawanda kwazvo pavanoroora. Tinonzwa murume uyu achitsanangura kuitika uku achishandisa enzaniso achiti vakadzi vanodhura “semotokari” (108).




