— Ziva —VISE / NWIWA / BVEMBE

UNOZIVA here kuti chirimwa chinonzi vise chinonziwo nwiwa kana kuti bvembe? Mavise akatanga nekudunhu redu rino reSouthern Africa asati azotekeshera kune dzimwe nyika.

Kune mhando dzakasiyana-siyana dzemavise dzinodarika 1 200 uye dzinorimwa munyika 96 pasi rose. Nhasi uno nyika iri pamberi pedzimwe panyaya yekurima mavise inyika yeChina.

Kwavewo nedzimwe mhando dzemavise dzisina kana mhodzi. Vise pachezvaro rakazara nemvura inosvika pa92%.

Mvura iri muvise yakawandisa kudarika munyepfu wevise zvekuti vanhu kare vaitakura mavise semvura yavo yekunwa.

Vise hausi muchero, asi imhando yemuriwo.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×