CHITSAUKO 13 (Ongororo: Enderero mberi)
Chirungamutauro chinonyanya kushandiswa muchitsauko ichi ienzaniso. Kuputirwa nerudo kwainge kwaitwa mwanasikana Rudo kunonyatsoburitswa nemusambo uyu. Zvinonzi kwaari kana mudzidzisi achidzidzisa zvidzidzo zveGeography neGeometry iye aiona semudzidzisi “ainge aifundisa Joe-metry neJoe-graphy” (61). Izvi zvinoti kusetsa zvikati kusuwisa.
Izvi zvinoenderera mberi nechidzidzo cheGeotropism icho kwaari aiona vadzidzisi “sevaiti Joe-tropism” (61). Apo anogamuchira tsamba yaanoona kuti yainge yabva Gweru nekutarisa chidhindo chayo, mwana wemunhu anobva amhanyira kumba yevasikana achibvunda chaizvo “seabatwa nechando” (62).
Kunyangwe kudai tsamba iyi yainge yakabvaruka rutivi zvekuti mamwe mazwi ainge asingaonekwi, akainzwisisa “seyakanga isina kana kashoko kakabvaruka” (63).
CHITSAUKO 14 (Nyaya yacho):
Panopera gore Rudo anobudirira ndizvowo hazvo asi kwete zvinorovesa hana kana kunwisa mvura. Paanobva kuchikoro anonorara naSarah. Joe anovatandadza kusvikira kunze kwaenda chaizvo ndokuzovaoneka achiti haaigona kuperekedza Rudo kuchitima sezvo basa rake raikurumidza kutanga saka aizoperekedzwa naSarah.
Rudo anoshuvira kumutevera asi hazvigoni kuitika. Usiku ihwohwo anoshaya hope achifunga Joe kwava kuzoti kotsirei ava muchitima.
Anowana Winnie naChiedza vakamumirira pachiteshi chebhazi. Vanombundirana ndokubvunzana zvokuchikoro kwavanaRudo nezve paMharapara kwavainge vachienda nedzimwe nyaya sedzekuroorwa kwaWinnie.
Chiedza anozobvunza Rudo nezvemurume wake uyo ainzi mutungamiriri wesvondo yeHwisiri. Vanotaura nezvekwaMutare kwava kumusha kwaWinnie nezvekwaGutu uko kwainge kwawanikwa Chiedza.
Pavanosvika paMharapara, Mufundisi Lovedale anovatambira nemufaro mukuru. Vanozobvunzisisa Rudo nezvaJoe vachiti vanoda kuziva kumusha kwemukomana uyu uyewo kuti Rudo anokuziva here.
Ava manheru Rudo anorara achinetseka nekuti Mufundisi Lovedale vanoita sevasiri kunyatsogutsikana nemurume wake. Anotaura nepikicha yaamai vake achiti vainge vamuraira kuti awanikwe nemurume akaita saJoe.
Paanobatwa nehope, anorota aina Joe uyo airova vakomana vaiuya kuzomunetsa. Nekufamba kwenguva anotanga kusawanzoseka nevamwe sezvaasigaroita. Vakomana vemaSadzajena anotanga kuvaonera pasi. Kwaari, munhu waaifanira kutaurira chipi nechipi chaive mumoyo make ndiJoe chete.
ONGORORO:
Tinoona munyoro achishandisa musambo uya wemudungwe wemubvunzo apo anenge achida kuti muwerengi aone kunetsekana mupfungwa kwaRudo maererano nenyaya yekuti Mufundisi Lovedale vairatidza kunge vasinganyatsogutsikani nemurume wake.
Zvatinoona ndezvizvi: “Asi vaifunga kuti munhu kana angopinda mutawindi chete, kunyangwe ari wesvondo, aibva aita tsotsi?
Vakange vasingade chete here kuti awanikwe mudhorobha aitowanikwa nebhawa here kana kuti netara?”
Enderero mberi svondo rinouya.



