GADZIRIRO dzemakwikwi eHarare Provincial Merit Awards, ayo achaitwa mwedzi unotevera apo vana vezvikoro vakakunda vamwe muzvidzidzo vanenge vachipihwa mibairo, dzave padanho repamusoro.
Mukuru wedzidzo mudunhu reHarare (Provincial Education Director), VaChristopher Kateera, vanoti makwikwi egore rino ane musiyano sezvo kuine vana vakawanda vakapasa zvikuru muzvidzidzo zvavo.
Makwikwi aya achaitwa musi wa26 Chikunguru kuCelebration Centre, muHarare, apo muenzi anoremekedzwa anotarisirwa kuve mukuru webhanga reZB Bank, VaGeorge Nheweyembwa.
VaKateera vanoti zvinofadza kuti vana vechikoro vari kushanda nesimba vaine chinangwa chekudarika danho rakambosvikwa nevamwe, izvo zviri kuita kuti shasha dzirambe dzichiwanda.
“Tiri kunyumbwida nemufaro mukuru apo zvishuwo zvebazi randinomirira zviri kuramba zvichizadzikiswa gore negore. Pakavambwa mabiko aya, chinangwa chikuru chaiva chekuumba vana zvizere mune zvedzidzo pamwe nekusimudzira makwikwi munyaya dzefundo. Nokudaro gore negore ndizvo zvatiri kuona zvichiitika,” vakadaro VaKateera.
Mashoko avo akatsinhirwa naEducation Officer (Physical Education and Culture) kubazi redzidzo yepuraimari nesekondari muHarare, VaChristopher Katore, vachiti makwikwi aya ari kusimukira zvikuru.
“Makwikwi egore rino ane mutsauko nekuti takaona kuti tikada kupa mibairo vana vakabuda ne4 yunitsi chete pabvunzo dzeGrade 7 dzegore rapera kana vane ma”A’’ 6 paO-Level chete tinogona kuita mazuva mashanu tichingoita mabiko aya. Vana vedu nematicha vari kushanda zvinonwisa mvura uye tingangoti tiri kusvika pataida patakavamba mabiko aya makore gumi adarika,” vakadaro VaKatore.
Vanoti zvikoro zvizhinji zvave kushanda nesimba kusiyana nemakore adarika apo zvimwe zvakaita seZRP High pamwe neZengeza High 1 ndizvo zvainyanya kukunda mumakwikwi aya.
VaKatore vanoti vanofarawo zvikuru kuti zvimwe zvikoro zvakaita seAllan Wilson, St Mary’s High pamwe neHarare High zvava kuonekwawo kumabiko aya kuburikidza nekupasa kwevana.
Vanoti gore rapera vadzidzisi vakavimbiswa kuwana mibairo kana vachinge vabura shasha dzakawanda uye izvi zvichazadzikiswa.
VaKatore vanotizve vadzidzisi vane vana vanosvika 40 vakabuda nema”A” pabvunzo dzeO-Level gore rapera, rwendo rwuno havana chavo sezvo paine imwe shasha ine vana 114 vakabuda nema”A” muchidzidzo cheIntergrated Science pachikoro cheGlen View High 1.
“Vana vari kubuda nema”A” mubvunzo paO-Level vari kuramba vachiwanda gore negore. Nokudaro tave kukwidza chikero kuitira kuti tibure kirimu yoga-yoga panova ndipo pane hwaro hwemakwikwi aya.”




