Ticha Tichaziva
CHITSAUKO 23 (Nyaya yacho):
Rudo anorwara ndokuendeswa kuchipatara achingoita zvinhu manzwira asingambozivi kuti kunze kuno kune chii. Mapurisa anotoita zvekutozopaza mukamba kaive kaJoe naRudo, ndokutora kanhu kose kaigona kushandiswa seumboo. Rudo anorwara chaizvo, nekunowo zvichishaikwa kuti chii change chauraya Joe chaizvo. Paanovhiyiwa, chiropa chake chinoonekwa chakasviba zvikuru, mutumbi wake ukanovigwa nemabhanditi kwaMupunzarima nyaya yekufa kwake isati yanyatsobatwa payo chaipo.
Rudo anogara kwesvondo mbiri dzose ari muchipatara achirwara zvikuru ndokuzoguma pamuviri pake papfuudzika. Paanopora, nyaya yekufa kwaJoe inopinda mudare iyo yakatemesa dare rose musoro nokuda kwekupiringana kwayo.
Rudo anobvunzwa kuti mapiritsi ekukotsirisa ainge amawana kupi iye ndokudura zita raMai Kamunda avo vanonotorwa kwava kubvuma kuti ndivo vakanga vamupa.
Musi uyu dare rakazara zvokushaya pokusvipira mate vana Mufundisi Lovedale, Winnie, Chiedza naMufundisi Makuni varimowo.
Phainos Kamunda, VaMasango, Michael nevamwe vasungwa, vakateerera sezvo vainge vapedza kupa umboo hwavo hweupenyu hwaJoe.
Rudo anopedza kurondedzera zveupenyu hwake, Mai Kamunda vanonzi vachinotsanangura zvainge zvavasvitsa pakuzoshandisa mapiritsi ekukotsirisa ndokutsanangura zvokumitiswa kwavo naPetros Masango ndokupona mwana wavakapa zita rokuti Phaison Kamunda ndokubva varambwa.
Phaison anobva ati ndiye mwana wavo haana kuenda mhiri kwamakungwa sezvo vainge vataura ndokudimurwa nemutongi sezvo zvaisabvumidzwa kuti munhu angotaura asina kunzi ataure.
Phaison anopunyaira neshungu ndokusvikobata VaMasango pahuro achivapopotera nechaaiti chiRungu dzamara azoita zvokubatwa nemapurisa kwava kuburitswa panze.
Bongozozo rinobuda mudare rinozopera mapinda mapurisa.
Mutongi anozopa mutongo wake achiti anoona Rudo aine mhosva yokuuraya, asi nepamusana pokuti paive nekupokana maererano nechikonzero chaicho chakaitika kuti Joe afe, chirango chake chaive chidiki.
Mutongi anomutongera kugara mujeri kwamakore maviri asi achamurega achienda zvake, ave munhu akasununguka Rudo nevamwe vanhu vaive mudare vanofadzwa nemutongo uyu.
Mushure memasvondo akati kuti vana Masango nechikwata chake vanotongerwa mwedzi mizhinji mujeri nepamusaka pokuponda, kuda nekumitisa vanasikana vevanhu vachivamanikidza.
Zuva rinopera kutongwa mhosva yaRudo, vana Mufundisi Lovedale vanofara kwazvo.
Vasvika Mharapara vanopinda mumba memufundisi uyu kwava kugara mumupanda wokutandarira, muye makambogara Mufundisi naRudo umo Rudo akaoneka achiti ava kuenda kumurume ainge amupa pamuviri.
Mufundisi Lovedale vanovimba kuti Rudo akadzidza chidzidzo chikuru, angadai akateerera zvavaitaura zvekuti vaifanira kuti vaonewo mukomana wake. Kutaurirwa kwavakaitwa nezvaJoe naWinnie nekunzwa kuti Joe rainge riri tsotsi remakoko pavakabvunza vanhu vemuGweru, kwakaita kuti vabve vashingisisa kutsvaga Rudo.
Vachamunamatira kuti awanikwe nemukomana anovimbika munzira yechiKristu.
Winnie anobva apindurawo mukutaura achiti iye nemurume wake vainge vakapa mwanasikana wavo zita rokuti Rudo semuyeuchidzo weushamwari hwavo.
(Enderero mberi svondo rinouya.)



